Accessibility links

Breaking News

Zvikwata zveNhabvu Zvotsvaga Vatambi Vatsva


Dynamos neHighlander
Dynamos neHighlander

Zvikwata zvenhavu yepamusoro yeCastle Lager Premier Soccer League zvapinda mubishi rekutsvaga vatambi vatsva vakatarisana nekusimbisa zvikwata zvavo zvemwaka unotevera.

Chiri kunyanyonakidza ndechekuti vatambi vane zvikwata zvakabuda muPremier Soccer League nemhaka yekukundikana ndivo vaita mukurumbira wekurwirwa nezvikwata izvi mushure mekuita zvidavado apo zvikwata zvavo zvaive muPSL.

Vatambi vakaita saKing Nadolo weTelOne, Denver Mukamba weChapungu,Nomore Chinyerere weHwange naClive Dzingai weMushowani Stars, ndivo vari pamuromo pezvikwata zvizhinji, Nadolo achinzi arikudiwa neDynamos, FC Platinum, pamwe neNgezi Platinum Stars.

Asi Ngezi haiisi kugumira panaNadolo chete zvichinzi izvo irikuedza zvekare kuraura Denver Mukamba kubva kuChapungu.

Murairidzi weMadamburo, Rodwell Dhlakama haana kuvanza kuti anofarira matambiro aMukamba asi achiwedzera iye kuti mutambi uyu anofanira kushandura maitiro ake kana achida kutambira chikwata ichi.

Mukamba ane mbiri yekudhakwa uyezve yekurovha basa kuzvikwata zvese zvaatambira zvinosanganisirawo Caps United ne Dynamos.

Dynamos yacho yapindawo mumusha weTriangle umo varikuita hurukuro nechikwata ichi kuti vatenge Donald Dzingayi pamusoro paRalph Matema uyo varikuda kutora kuYadah.

Mubati wehomwe weDembare VaWebster Marechera vanoti vapa murairidzi wavo Tonderai Ndiraya cheki yakavhurika kuti atenge vatambi vaanoda kuti chikwata chake chisimbe.

Ndiraya pachake arikubvuma kuti chikwata ichi chinoda kugadziriswa zvakasimba achiti iye arikuda vatambi vanokodzera kutambira chikwata chinonzi Dembare.

Kunyange hazvo FC Platinum yakatora mukombe weligi, chikwata ichi hachisi kumira mukutsvaga vamwe vatambi.

Arikurairidza FC Platinum parizvino Lizwe Sweswe anoti hapana zvakawanda zvirikuda kugadziriswa paKugona Kunenge Kudada kunze kwevatambi vashoma shoma.

Mashoko arikufamba achiti iwo Kugona Kunenge Kudada yatobvumirana naRalph Kawondera kuti asiye basa kuTriangle anange kuZvishavane.

Muchato pakati paKawondera neTriangle wekutambire maSugar Sugar Boys uikupera musi wa 31 Zvita.

Pamusoro pezvo, Kugona Kunenge Kudada irikunakidzwa nevatambi vekuHwange uko varikuita hurukuro yekuda kutenga Nomore Chinyere mushure mekuraurako Gift Bweti mukupewa kwemwaka wa 2018.

Asi Platinum haisati yabudirira pana Chinyere uyo arikudiwawo zvekare neChicken Inn, iyo irikuda mukombe weligi uyu mushure mekupedza iri pachinhanho chechipiri mwaka uno.

MaGame Cocks arikuedza zvekare kuti vatore Clive Dzingayi uyo airura mumusha weMushowani Stars.

Asi mumusha weCaps United mune runyararo zvichinzi izvo Makepekepe arikufarira vatambi vari munhabvu yepasi yeDivision One pane vatambi vemuPremier Soccer League, vakawanda vacho vanotsvaga zvikwata zvitswa pese panopera mwaka.

Asi Highlanders ndiyo yarasikirwa zvakanyanya panguva ino mushure mekunge murairidzi wavo Henrik Piete De Jong asiya basa akananga kuFC Platinum.

Izvi zvauya pamusoro pemutambi Prince Dube uyo arikuChina uko arikutsvaga chikwata chitsva chekutambira mwaka unotevera.

Makwikwi eCastle Lager Premier Soccer League arikutanga muna Kurume nemutambo weChampion of Champions pakati peFC Platinum neHighlanders.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG