Accessibility links

Breaking News

Zvikoro Zvowedzera Mari Zvichiti Dhora reMunyika Riri Kushaya Simba Zvoomesera Vabereki


Vabereki vazhinji vanoti zvikoro zvakawedzera mari yebudiriro kana kuti ruvako kubva hurumende zvayakazivisa kuti zvikoro zvave kuzovhurwa nemusi weMuvhuro.

Zuve rekuvhurwa kwezvikoro risati ratarwa, zvikoro zvebhodhingi zvakange zvichida mari yaitangira pazviuru makumi mashanu emaRTGS, $50 000 kusvika pazviuru makumi manomwe emadhora RTGS70.000.

Parizvino zvikoro zvave kuda mari dzinotangira pazviuru makumi mapfumbamwe emadhora $90 000 kusvika pazviuru zana nemakumi maviri emadhora $120 000.

Kuwedzerwa kwemari iyi kunouya apo vabereki vakawanda vanoti vakatoremerwa nekudhura kwezvinhu zvinonzi zvakwira nezvikamu makumi maviri nezvishanu kubva muzana 25%.

Sangano rinorwira kodzero dzevatengi reConsumer Council of Zimbabwe (CCZ), rinoti mhuri ine vanhu vatanhatu yaida mari inosvika zviuru makumi mashanu nezvisere zvine mazana maviri nemakumi masere nemana emadhora eRTGS ZW$58 284 muna Zvita gore rapera yave kuda zviru makumi manomwe nemaviri ane mazana mapfumbamwe nemakumi matanhatu nemanomwe, $72 967 RTGS.

Mumwe mubereki, Amai Entrance Takaidza, vati mwana wavo achatadza kuenda kuchikoro nekuti vaomerwa.
Vamwewo vabereki vanoshanda muhurumende vanoti mari yavanotambira haina kuwedzerwa nekudaro vari panguva yakaoma. Vashandi vehurumende vazhinji vanotambira mari isingadariki zviuru makumi matatu zvemadhora kana kuti $30 000 RTGS. Mumwe mushandi

wehurumende, VaHonest Mapingure, vanoti zvavakuvaremera kuti varambe vachiendesa vana kuzvikoro zvinogarwako nekuti mari yekotoro imwe chete inoda kushandirwa kwemwedzi yakawanda. Vakuru vezvikoro muMasvingo varamba kutaura neStudio7 vachiti havatenderwi nebazi rezvedzidzo kutaura nevatori venhau.

Asi munyori mukuru, musangano rinomirira vakuru vezvikoro, reZimbabwe National Union of Schools Heads, VaMunyaradzi Majoni, vaudza Studio7 kuti mari yechikoro iri kukwidzwa nenyaya yemitengo yezvinhu zviri kukwira munyika.
Studio7 yatadza kubata mutauriri webazi rezvedzidzo munyika, VaTaungana Ndoro, kuti tinzwe divi rehurumende panyaya iyi sezvo nhare yavo yange yakadzima.

Asi vachitaura nevatori venhau munguva pfupi yapfuura VaNdoro vakati zvikoro hazvifaniri kukwidza mari zvisina kupuwa mvumo nebazi ravo.l nekutaura nevabereki.

Vanoona nezve kufambiswa kwebasa muhofisi yeCCZ, muMasvingo, VaDumisani Mungutshini, vati kukwira kwezvikoro kuri kuwedzera marwadzo kuvabereki avo vari kutadza kuwana mari inodiwa nemhuri pamwedzi.
Vanoongorora nyaya dzezvehupfumi vakazvimiririra, muMasvingo, VaPardon Chuma, vanoti zvese izvi zviri kukonzerwa nemamiriro ehupfumi hwenyika waenda kumawere..
Sangano rinopa yambiro munguva dzenzara, reFamine Early Warning Systems Network (FEWSNET) rinoti vanhu vazhinhi vachashaiwa chikafu nekukwira kuri kuita zvinhu munyika.

FEWSNET inoti zvinhu zvakaita semafuta ekubikisa, chingwa, hupfu, nyama, mitero yemvura nemagetsi zvakakwira nezvikamu zvinotangira pagumi kubva muzana 10% kusvika makumi maviri kubva muzana 20% pakutanga kwegore.

Zvimwe zvezvikoro zvine vana vanogarapo zvakaita seGokomere, Pamushana, Zimuto nezvimwe zvakawanda muMasvingo zvakakwidza mari ,zvakanyanya zvinonzi nevabereki zvavaomesera.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:07:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG