Accessibility links

Breaking News

Human Rights Watch Inoti Iri Kuzeya Zvakaitika Musarudzo.


Human Rights Watch Southern Africa Director Dewa Mavhinga

Sangano re Human Right Watch rinoti riri kuenderera mberi nekuteverera zviri kuitika mukuverengwa nekuburitswa kwe zvri kubuda musarudzo.

Mukuru we sangano iri kuchamhembe kwe Africa, VaDewa Mavhinga, vanoti chirongwa ichi chanonoka kutanga uye hazvisati zvanyatsojeka kuti bato riri kukunda nderipi kunyange hazvo mamwe mapato ave kutopemberera achiti akakunda.

Matunhu mazhinji achiri kuverenga zvakabuda musarudzo dzakaitwa, vemapato anopikisa vachichema nerekuti zvinhu hazvisi kuitwa nenguva saka pane fungidziro yekuti panogona kuitwa huori kana kubiridzirwa kwesarudzo.

Zimbabwe Electoral Commission yatanga kuzivisa vanhu zviri kubuda izvo zviri kuratidza kuti Zanu PF iri kutungamirira mune zvaburitswa pari zvino.

Mumaguta muri kuratidza kuti mune kukweshana pakati pemapato anopikisa asi kumaruwa kuri kubuda Zanu PF ichitungamira munzvimbo dzakawanda.

Mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, Va Dewa Mavhinga, vanoti kuburitswa nekunamirwa munzvimbo dzekuvhotera kwezviri kubuda musarudzo hakuna kushata nekuti ndizvo zviri mumutemo asi vamwe vari kumira nerekuti zvinogona kukonzera mhirizhonga pakati peveruzhinji.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG