Accessibility links

Breaking News

ZSE Yochema neMarwadzo eMutemo weMakambani Mutsva


Nhepfenyuro yeSABC inoti musika wekutengeswa kwemasheya emakambani weZimbabwe Stock Exchange (ZSE) unoti watotanga kukanganiswawo nemutemo mutsva wekupa hupfumi kuvatema, we Indidenization and Economic Empowerement Act, uyo wakatanga kushanda kutanga kwemwedzi uno.

ZSE inoti mari yayaiwana pazuva, yadzikira zvikuru kubva pa$2 million kusvika pa$500 000.00, zvichikonzerwa nekuti vanhu nemakambani, havachina chivimbo chekutenga kana kutengesa masheya avo pamusika uyu. Studio7 haina kukwanisa kubata mukuru weZSE, VaEmmanuel Munyukwi, kuti tinzwe divi ravo.

Mutemo mutsva uyu unosungira kuti vatema vave nezvikamu makumi mashanu nechimwe chehupfumi kubva muzana mumakambani ose ari munyika.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, uye vachishanda nesangano reLabour and Economic Research Development Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vaudza Studio7 kuti mutemo uyu wakamhanyirwa kuiswa nevebato reZanu PF vasina kunzwawo pfungwa dzevemabhizimusi pamwe nedzimwe nyanzvi.

XS
SM
MD
LG