Accessibility links

Breaking News

ZPP Inoti Mhirizhonga Ichiri Kuitika Munyika


Sangano reZimbabwe Peace Project, ZPP, rinoti nyaya dzekushungurudzwa kwevanhu dzine chekuita nezvematongerwo enyika dziri kuramba dzichiitika pasina matanho ari kutorwa kuitira kuti dzisaitwe.

Muongororo yakaitwa nesangano iri mumwedzi waGunyana, nyaya dzinodarika mazana masere nemakumi manomwe, dzinonzi dzakaitika mumatunhu ose enyika, zvikuru munguva yekunzwa pfungwa dzevanhu pakunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika.

Sangano iri rinotiwo nhengo dzeMDC dzakashungurudzwa dzinodarika zvikamu makumi manomwe kubva muzana, zvichienzaniswa nezvikamu zvisere kubva muzana zvenhengo dzeZanu PF dzinonziwo dzakashungurudzwa.

Sachigaro weZPP, VaWellington Mbofana, vaudza Studio7 kuti matunhu akanyanya kusangana nedambudziko iri ndeanoti Mashonaland East, Midlands, neManicaland, kwotiwo Bulawayo neMatabeleland North neMatabeleland South ari matunhu akawana dambudziko shoma.

XS
SM
MD
LG