Accessibility links

Breaking News

Zororo Makamba Anoshaya neChirwere cheCoronavirus


Zimbabwe's health workers wear
Zimbabwe's health workers wear

Gurukota rezvehutano VaObediah Moyo vaudza Studio 7 nhasi kuti VaZororo Makamba vashaya nhasi pachipatara cheWilkins mushure mekubatwa nechirwere ichi vabva kushanyira nyika yeAmerica.

VaMoyo vati umwe akabatwa nechirwere ichi kuVictoria Falls achiri kurapwa.

VaMoyo vati pose panoradzikwa mitumbi yevanhu vanenge vafa nechirwere ichi pachange paine vezvehutano vanenge vachiona kuti mitumbi iyi yachengetedzwa zvakanaka kuitira kuti veruzhinji vasatapurirane chirwere ichi.

Mumwe akatanga kubata chirwere ichi kuVictoria Falls anonzi ari kuita zviri nani ari kumba.

Zvichakadai, bazi rinoona nezvevasungwa reZimbabwe Prisons and Corectional Services rinoti veruzhinji havachabvumidzwe kushanyira hama dzavo dziri mumajeri senzira yekuderedza mukana wekuti vanhu vasatapurirane chiwrwere ichi. Izvi zvatsinhirwa nemunyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Managwana.

Asi mudzimai wenhengo yeMDC iri mujeri VaLast Maengehama, Amai Georgina Maengehama, vati mumajeri hamuna chikafu chakakwana zvekuti danho ratorwa nehurumende iri richasiya vasungwa vari parumananzombe.

Izvi zvatsinhirwawo nemutungamiri wesangano reZimbabwe Association for Crime Prevention and Rehabilitation of the Offender, VaEdson Chiota.

Asi muaturiri wesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, VaMarvelous Khumalo, vakurudzira hurumende kuti iburitse vasungwa mumajeri zvikurusei vakasungirwa zvematongerwo enyika senzira yekuderedza huwandu hwevanhu mumajeri.

Sangano reWorld Health Organization rinoti chirwere cheCovid19 chauraya vanhu vanodarika zviuru zviviri pasi rose uye sangano iri rinoti chirwere ichi chiri kuramba chichipararira.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG