Accessibility links

Breaking News

ZMC Inodoma Makanzura Achaona Mashandiro eVatori veNhau


Zimbabwe Media Commission, kana kuti ZMC, yadoma nhengo gumi nenhatu dzekanzuru ichange ichiona kuti makambani anoburitsa nhau pamwe nevatori venhau vachange vachitevedza mitemo yebasa ravo here kana kuti kwete sezvinodiwa pasi pemutemo weAccess to Information and Protection of Privacy Act.

Vadomwa kuva sachigaro wekanzuru iyi, ndaVaHenry Muradzikwa, avo vanove nhengo yeZMC. Dzimwe nhengo dzekomiti iyi dzinosanganisira mukuru weZimbabwe Broadcasting Corporation, VaHappison Muchechetere, mukuru weZimbabwe Newspapers Group, VaJustin Mutasa, mupepeti webepanhau re The Worker, VaBen Madzimure, Veronica Dingi ve Roman Catholic pamwe naMedeline Dube, uyo anoshanda neNational AIDS Council of Zimbabwe, nevamwe.

Kanzuru iyi ine varume gumi nemumwe chete nevakadzi vaviri chete.
Mukuru weMedia Monitoring Project of Zimbabwe, VaAndy Moyse, vashora zvaitwa neZMC vachiti mahumbwe chaiwo akanangana nekuvhiringidza vatori venhau munyika.

VaMoyse vati kusarudzwa kwenhengo dzekanzuru iyi kwange kusina kujeka. Vashorawo danho rekudoma vakuru vemakambani vakaita saVaMuchechetere naVaMutasa kuti vange vari mukanzuru iyi.

Mutevedzeri wemutungamiri wesangano rinomirira vatori venhau reZimbabwe Union of Journalists, VaMichael Chideme, havana kutaura zvakawanda pamusoro pekanzuru iyi vachiti vanoda kuona kuti nhengo dzesangano ravo ndinoti chii nenyaya iyi.

Mutori wenhau anoshanda akazvimirira, Maggie Mzumara, anoti haana kufara nekuti kanzuru iyi ine varume vakawanda kudarika vanhukadzi.

Sachigaro weZMC, VaGodfrey Majonga, vati kanzuru iyi inotarisirwa kuumba bumbiro remitemo yemashandiro achange achiita vatori venhau kana kuti code of ethics uye kambani kana mutori wenhau anenge atadza kutevedza mitemo iyi, acharangwa.

Kanzuru iyi haina vamiriri kubva kumapepanhau akazvimirira kanawo nhepfenyuro dzisiri dzehurumende.

Asi ZMC inoti yakanga yakoka vanhu ava asi vakaramba kubatana navo nekuti vari kushanda nesangano re Voluntary Media Council of Zimbabwe kana kuti VMCZ.
Kanzuru yeZMC inogadzwa apo sangano reVMCZ riri kuedza kuita basa seriri kuda kuzoitwa nekanzuru yeZMC
Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG