Accessibility links

Breaking News

ZLHR Inoti Mapurisa neMuchuchisi Voita Rusarura


Zimbabwe's Police Commissioner General Augustine Chihuri (R) addresses a media conference in the capital Harare, June 23, 2008. Chihuri denied that opposition leader Morgan Tsvangirai was in danger. Tsvangirai has taken refuge in the Dutch embassy after p
Zimbabwe's Police Commissioner General Augustine Chihuri (R) addresses a media conference in the capital Harare, June 23, 2008. Chihuri denied that opposition leader Morgan Tsvangirai was in danger. Tsvangirai has taken refuge in the Dutch embassy after p

Sangano remagweta rinorwira kodzero dzevanhu, reZimbabwe Lawyers for Human Rights, kana kuti ZLHR, riri kushoropodza zvikuru mabatirwo arinoti ari kuitwa nyaya dzemhirizhonga nemapurisa pamwe nehofisi yemuchuchisi mukuru wenyika, yaAttorney-General.

ZLHR inoti mahofisi maviri aya ari kutarisa kuti munhu abuda mumba maani.

Vachitaura kuvatori venhau mukupera kwesvondo, mukuru wesangano iri, Muzvare Irene Petras, vakati mapurisa ari kusunga nhengo dzeMDC kunyange dziri idzo dzinenge dzarwiswa nenhengo dzeZanu PF.

Vakatiwo hofisi yemuchuchisi haina kana nhengo dzeZanu PF dzairi kuendesa kumatare edzimhosva.

ZLHR inoti ine humbowo hwekuti nhengo dzeZanu PF dzakapara mhosva dzine chekuita nemhirizhonga dzichiri kufamba mumigwagwa pasina zvadziri kuitwa.

Studio7 haina kukwanisa kutaura nemukuru wemapurisa, VaAugustine Chihuri, pamwe nemuchuchisi wenyika, VaJohannes Tomana, kuti tinzwe divi ravo.

Kubva kutanga kwegore kusvika musi wa9 Nyamavhuvhu, sangano iri rinoti rabatsira vanhu vanodarika mazana masere nemakumi manomwe nevasere.

Maneja wezvirongwa mubazi reHuman Rights Defenders Project muZLHR, Muzvare Roselyn Hanzi, vaudza Studio7 kuti vari kuedza kugadzirisa nyaya iyi kuburikidza nekunyorera mapurisa magwaro pamusoro pazvo, uye kuita misangano nevezvematongerwo enyika.

Zvichakadaro, rimwe sangano rinorwira kodzero dzevanhu reTolerance and Reconciliation Development rinoti rakwanisa kuunganidza humbowo hwekuti vanhu mazana mashanu mudunhu reMasvingo havasati vazivikana kwavari kubva pakaitika mhirizhonga munguva yesarudzo dza2008.

Sangano iri rinoti riri kuenderera mberi nekuunganidza humbowo kune mamwe matunhu ose emunyika.

Mukuru wezvirongwa musangano iri, Muzvare Gamuchirai Mukura, vaudza Studio7 kuti vazhinji vevanhu vakatsakatika ava inhengo dzeMDC dzinonzi dzaipambwa nevatsigiri veZanu PF.

Muzvare Mukura vanoti vachaendesa humbowo hwose uhu kubazi rezvemukati menyika.

XS
SM
MD
LG