Rimwe sangano rinomirira vadzidzidzi vemuzvikoro zvepamusoro reZimbabwe National Students Unions (ZINASU) rinoti haritambiri zvarongwa nebazi redzidzo yepamusoro kuti zvikoro zvepamusoro soro zvikwidze mari yedzidzo asi isingadariki zviuru zvishanu zvemadhora pakotoro.
Gurukota rezvedzidzo yepamusoro, Muzvinafundo Amon Murwira, vaudza Studio7 kuti kunyange hazvo mari dzechikoro mumayunivhesti nemakoreji dzichifanira kukwira, mari yechikoro pamwe neyekugara pachikoro haifaniri kudarika zviuru zvishanu zvemadhora.
VaMurwira vati asi mari iyi isati yakwidzwa, zvikoro izvi zvinofanira kutevera gwara rebazi ravo.
Gwara iri nderekuti zvikoro izvi zvinofanira kugara pasi nevadzidzi, zvozonyorera kubazi ravo zvisati zvakwidza mari iyi.
Asi mutungamiriri weZINASU, VaTakudzwa Ngadziore, vati havabvumirani nebazi rezvedzidzo kuti mari yedzidzo yepamusoro ikwidzwe.
Vati zvinosuwisa kuti hurumende yaona zvakakodzera kukwidza mari yechikoro asi isina kukwidza mari dzemihoro yevabereki vavo.
Vati zvaitwa nehurumende izvi zvichakonzera kuti vadzidzi vakawanda vatadze kuenda kuchikoro uye vati kunyange pakawana vanokwanisa kubvisa mari idzi, hapana chinobuda nekuti varairidzi havasi kukwanisa kudzidzisa nekuti mari dzavo dzemihoro hadzichakwani.
Vakamboita munyori weZINASU, VaAshely Pfunye, vaudza Studio7 kuti vanobvumirana nehutungamiriri weZINASU kuti mari yedzidzo haifaniri kuwedzerwa.
Mumwe wechidiki, VaVivid Gwede vaudza Studio 7 kuwedzera mari yedzidzo kunoreva kut varombo havachadzidza uye nyika icharasikirwa zvikuru nenjere dzavo.
Mukuru werimwe sangano revechidiki vanoita zvematongerwo enyika, reZimbabwe Organisation of Youth In Politics, VaNkosilathi Moyo, vaudza Studio 7 kuti vadzidzi vanofanira kuona zvavangaiite kana hurumende ikaomesa musoro panyaya yekukwidzwa kwemari dzechikoro
Asi munyori werimwe remasangano anomirira vadzidzi vezvikoro zvepamusoro reZimbabwe Congress of Students Union, VaTinashe Katsidzira, vanoti mari yatarwa nehurumende iri nani pane yange yataurwa nemakoreji nemayunivhesiti.
Zvikoro zvepamusoro soro zvakaita seGreat Zimbabwe University neMidlands State Unversity zvainge zvanyorera kubazi rezvedzidzo yepamusoro zvichida kuti vanoita zvidzidzo zvepasi zve undergraduate vabhadhare zviuru zvipfumbamwe, vanoita zvidzidzo zve Masters vachibhadhara zviuru gumi nezvina pakotoro.
Kutaura kudai zvikoro zvese zvepamusoro zviri kuita misangano nebazi redzidzo yepamusoro muHarare wekuronga mari dzichabhadharwa muzvikoro izvi.
Facebook Forum