Accessibility links

Breaking News

ZIMSTATS Inoti Zimbabwe Yakatenga Zvakawanda Kunze Zvichienzaniswa neZvayakatengesa


Hwange Colliery
Hwange Colliery

Zimbabwe National Statistics Agency kana kuti Zimstats inoti mumwedzi waNdira, 2021, Zimbabwe yakatengesa zvinhu kunze kwenyika zvinodarika mamiriyoni makumi maviri nemasere kana kuti US$28 million asi iyo ikatenga zvinodarika mamiriyoni makumi mana nematanhatu kana kuti US$46 million.

Asi gore rapera panguva imwe chete muna Ndira, Zimbabwe yainge yatengesa zvinhu zvemari inodarika mamiriyoni makumi matatu nemanomwe kana kuti US$39 million asi ichitenga zvinhu zvemari inosvika mamiriyoni makumi matatu nemasere kana kuti US$38 million zvichireva kuti yainge yatotengesa zvakawanda pane gore rino.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti izvi zvinoratidza kuti pachiri kuda kushandwa kuti hupfumi hwenyika hugadzikane.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe Doctor Prosper Chitambara vanoti nyaya yechirwere cheCovid-19 inogona kunge yakapawo kuti zvinhu zvisamire zvakanaka munyika.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Muzvinafundo Gift Mugano vanoti havo nyika haifanire kurasa mbereko nekufirwa vachiti goho regore rino riri kuratidza kuti rinenge rakanaka richapa kuti Zimbawe itenge zvinhu zvishoma kubva kunze.

Gurukota rinoona nezvemaindustry Doctor Sekai Nzenza vanotiwo Zimbabwe yatora matanho akasimba ekuti ikwanise kugadzira zvinhu zvakawanda munyika kuti iregedze kutenga zvakawanda vakati zvinhu zviri kuratidza kuti zvave kufamba zvakanaka.

Bhanga rinokweretesa mari nyika dzepasi rino reInternational Monetary Fund rinoti hupfumi hwenyika pasi rose hwakaderera nezvikamu zvinodarika zvina kubva muzana kana kuti 4,4% muna 2020. uye nyika chete ine hupfumi hwakawedzera iChina yakakwira nezvikamu zvinodarika zviviri kubva muzana kana kuti 2,3% muna 2021.

Asi IMF inoti inotarisira kuti hupfumi munyika dzakawanda hukwirire gore rino kana chirwere cheCovid-19 chikasatanga kupararira zvekare zvakanyanya.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG