Accessibility links

Breaking News

ZIMSTATS Inoti Vanhu Mamiriyoni Matatu Ndivo Vari Kushanda Vamwe Vachizviitira Mabasa eMaoko


Tsvakurudzo yemamiriro akaita nyaya dzemabasa munyika ichangobva mukuitwa nebazi rehurumende reZimbabwe National Statistics Agency kana kuti, ZIMSTATS, inoratidza kuti kuti pane vanhu vanodarika mamiriyoni matatu nezviuru mazana matatu vane mabasa munyika uye vamwe vazhinji vanozviitira mabasa avo emaoko.

Vachiparura zvakabuda mutsvakurudzo iyi, inove yekutanga yavanoita kana pagore rega yeThird Quarter Annual Quarterly Labour Survey, mukuru we ZIMSTATS, VaTaguma Muhonde, vati huwandu hwevanhu vasina mabasa munyika huri pazvikamu gumi nezvisere zvevanhu kana zvikamu makumi mana nezvinomwe kubva muzana zvichienderana kuti panenge pachishandiswa nzira ipi yekuti munhu haasi kushanda,

VaMuhonde vanoti zvimwe zvakabuda mutsvakurudzo yavo zvinoratidza kuti zvikamu makumi mana nezvinomwe zvevashandi munyika zvinozvishandira.

Pane vanhu vari mumabasa, mamiriyoni matatu nezviuru mazana matatu nemakumi mana nezvipfumbamwe nemazana manomwe nemakumi maviri nevatatu kana 3. 348. 723, vanodarika miriyoni nezviuru mazana mapfumbamwe kana kuti 1.9 milion varume.

Ongororo iyi yakaburitsawo kuti vashandi vakawanda munyika vari kutambira mari iri pasi pezviuru makumi maviri zvemaRTGS kana kuti 20 000 RTGS uye pane vashandi vashoma munyika vanotambira mari inodarika kana kusvika kuzviuru makumi manomwe zvemaRTGS.

ZIMSTATS inoti vashoma vanotambira mari yakawanda vashandi vemasangano anoshanda akazvimirira, makambani ekunze kana kushandira mizinda yedzimwe nyika muno.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi vachishanda nesangano reLabour Economic Development Research Institute VaNyasha Muchichwa vaudza Studio 7 kuti vano bvumirana nezvakabuda mutsvakurudzo ye ZIMSTATS zvikuru panyaya dzemihoro.

Asi imwe nyanzvi munyaya dzehupfumi vachishanda vakazvimirira, VaJames Johwa vaudza Studio 7 kuti huwandu hwevanhu vasina mabasa munyika hwakakura kudarika zvabuda mutsvakurudzo yeZIMSTATS.

Mutevedzeri wemunyori musangano rinomirira vashandi vehurumende, reZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions, VaGibson Mushangu vaudza Studio 7 kuti tsvakurudzo yeZIMSTATS yakanaka chose vachiti hurumende inofanira kushandisa zvabuda mairi kugadzirisa zvichemo zvevashandi.

Izvi zvatsigirwa naVaMuchichwa avo vati tsvakurukudzi iyi inobatsira hurumende apo inenge ichiita nhauriranao nevashandi pamwe nekuronga kuti vanhu vobatsirwa sei munyika.

Ongororo iyi inoratidzawo kuti kunyange hazvo zvinhu zvakaoma muZimbabwe pane vanhu vanodarika zviuru makumi matatu vakabva kune dzimwe nyika kuzoshanda muZimbabwe zvikuri sei kubva kuMozambique neZambia.

Hatina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi sezvo gurukuota rinoona nezvevashandi Muzvinafundo Paul Mavima pamwe nemunyori mubazi ravo VaSimon Masanga sezvo vange vasiri kudaira nharembozha dzavo.

Ongororo iri yakaitwa kutanga muna Chikunguru kusvika muna Gunyana pachibvunzurudzwa mhuri zviuru gumi nezviviri nemazana mashanu.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG