Accessibility links

Breaking News

Zimstat Inoti Inflation yepaGore Yakakwira Zvishoma


Sangano reZimbabwe National Statistical Agency, Zimstat, rinoti inflation yepagore yakakwira zvishoma kubva pazvikamu 3,98 kubva muzana kuenda pazvikamu 4, 03 kubva muzana mumwedzi wa Kubvumbi.

Sangano iri rinoti izvi zvakonzerwa nekukwira kwemitengo yedoro, fodya, mari dzemitero yedzimba nemvura pamwe nemagetsi.

Zimstat inotiwo inflation yepamwedzi yechikafu nezvinwiwa zvisingadhaki yakadzikira kubva pa 0,43 % mumwedzi waKurume, kuenda pa 0,19 % mumwedzi waKubvumbi, zvichi konzerwawo nechikafu icho chinonzi chakaderera mitengo mumwedzi waKubvumi.

Asi nyanzvi mune zveupfumi uye vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vati mafigiri eZimstat anogona kusaburitsa mamiriro akaita zvinhu sezvo asingatarisi zvimwe zvinodiwa nemhuri zvakaita semari dzenharembozha.

XS
SM
MD
LG