Accessibility links

Breaking News

Zimsec Inoti Gwaro Riri Kutenderedzwa muSocial Media Harisi Yaro


zimsec
zimsec

Bazi rinoona nezvekunyorwa kwebvunzo reZimbabwe School Examinations Council, Zimsec, rinoti gwaro riri kutenderera rine zvakabuda mubvunzo dzeGrade7 harina kubva kumahofisi aro, kunyange hazvo vadzidzi vakawanda vekumaruwa vasina kuita zvakanaka mubvunzo dzavo.

Mutauriri weZimsec, Muzvare Nicholette Dhlamini, vati gwaro riri kutenderedzwa pamadandemutande richiratidza kugona nekutadza kwakaita zvikoro pabvunzo dzeGrade7 harina kubva kuhofisi yayo.

Asi vabvuma havo kuti kubudirira pabvunzo kwevana vakanyora bvunzo gore rapera kwakadzikira nezvikamu zvinodarika zvipfumbamwe nechidimu kubva muzana, kana kuti 9.5%.

Muzvare Dhlamini vati kudzikira kwehuwandu hwevana vakanyora bvunzo
kwakakonzerwa nekuti vana havana kuwana nguva yakakwana yekudzidza
nekuda kwechirwere cheCovid-19.

Mukuru webazi rezvedzidzo mudunhu reMashonaland West, VaGabriel Mhumha, vati havasati vave kuziva sezvo zvichazivikanwa kana zvikoro zvatora zvakabuda mubvunzo neMuvhuro.

Asi mumwe mudzidzisi, VaRosten Mtapa, vati havasi kushamisika nekudzikira kwevana vakabudirira mubvunzo sezvo vadzidzisi vainge vasingaite basa ravo nekuda kwemari dzemihoro shoma.

Gwaro riri kutenderera munyika, iro rarambwa neZimsec, rinoratidza kuti vadzidzi vemuzvikoro zvemumadhorobha nemaguta, ndivo vakapasa zvinonwisa mvura, ukuwo vari kumaruwa akaita seMatabeleland nemamwe matunhu, kune zvikoro zvaishaya kana mwana mumwechete zvake akabudirira mubvunzo dzakanyorwa gore rapera.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG