Accessibility links

Breaking News

ZIMSEC Inoti Yapedza Kugadzira Bvunzo


Bandiko rehurumende rinoona nezvebvunzo, reZimbabwe Schools Examinations Council kana ZIMSEC, neMuvhuro rakaudza paramende kuti rakatopedza gadziriro dzebvunzo dzeOrdinary neAdvance Level dzepakati pegore asi rikati mazuva achanyowa bvunzo idzi pamwe nedzekupera kwegore, achaziviswa kana mapazi edzidzo yepasi pamwe nerehutano atora matanho anoita kuti vadzidzi vanyore bvunzo idzi pasina njodzi yekuti vanobatwa necoronavirus.

Mukuru weZIMSEC, Dr Lazarus Nembaware, vaudza komiti inoona nezvedzidzo yePrimary neSecondary kuti chavo kugadzira bvunzo, kuendesa mapepa ebvunzo idzi, kunzvimbo dzekunyorera pamwe nekumaka mazamanishoni aya chete.

Vati vebazi rezvedzidzo, hutano nezvikoro zvinonyorerwa bvunzo ndivo vanajena rekuona kuti vana nevarairidzi havabatwe neCoronavirus.

Dr Nembaware vazivisa kuti ZIMSEC ichaona kuti mapepa ese ebvunzo aiswa mushonga unodzivirira kupararira kwehutachiwana wecoronavirus asati aendeswa kuzvikoro.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Vati kunyange hazvo vana vakambonzi vabhadhare mari yebvunzo yegore rapfuura, mari iyi ikazowedzerwa, vose vakabhadhara mari isina kukwana vachabvumidzwa kunyora bvunzo dzawo.

Vatiwo vachavhura zvakare mukana wekuti vanoda kunyora bvunzo dzekupera kwegore vabhadhare mari vachiti vanozvinzwisiza kuti vakawanda vakavhiringwa necoronavirus.

Sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvedzidzo yePrimary neSecondary, Amai Priscilla Misihairabwi-Mushonga vaudza Studio 7 kuti zvinofadza kuti ZIMSEC inobvuma kuti vaye vakatadza kuwedzera mari dzebvunzo vanyore bvunzo idzi.

Dzimwe nhengo dzekomiti iyi dzaratidza kusafara nenyaya yekuti pave nemusiyano pakati pevadzidzi vemumaruwa nevemumadhorobha, vanoshaya nevanowana vachiti dai bvunzo dzese dzaendeswa mberi kuitira kupa vana vese mukana wakafanana. Vamwe vana vari kukwanisa kugadzirira vachishandisa indaneti asi varombo havakwanise kuita izvi.

Amai Mushonga vati iyi inyaya yakakosha yavachazeya nebazi rezvedzidzo yePrimary neSecondary.

Mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, pakuzivisa nezvekuwedzera mazuva ekuti vanhu vagare mudzimba senzira yekudzvirira coronavirus vakatiwo zvikoro nemakoreji zvichavhurwa kuitira kuti panyorwe bvunzo chete.

Asi munyori mune rimwe remasangano anomirira varairidzi, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, VaRaymond Majongwe, vanoti havatsigirane nedano rehurumende vachiti vanoona sekuti kuchekeresa vana vezvikoro nemakoreji.

VaMajongwe vati vanoona sekuti hurumende irikuda kuoemesera vabereki kuti vatenge zvese zvinodiwa pakudzivirira Coronavirus vachiti vabereki ava vakatoomerwa zvakanyaya.

Paramende inotarisira kunzwa kubva kugurukota rezvedzidzo yepasi VaCain Mathema pamusoro penyaya iyi nemusi weChitatu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG