Accessibility links

Breaking News

Zimsec Inowedzera Mazuva eKunyoresa Bvunzo dze O Level ne A Level


Zimsec Director Lazarus Nembaware

Masangano anomiriria vadzidzisi munyika anoti afarira nedanho reZimbabwe School Examinations Council, Zimsec, rekuwedzera mazuva ekuti vadzidzi vabhadhare mari dzekunyora bvunzo dzeO Level neA Level gore rino.

Mutungamiri wesangano rinomiririra vadzidzisi vekumaruwa reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure, vati vanotambira danho ratorwa neZimsec rekuwedzera mazuva asi vanoti vana vari kunyora bvunzo vanofanirwawo kuwedzerwa mazuva ekugadzirira kunyora bvunzo.

Munyori mukuru weProgressive Teachers Union of Zimbabwe, VaRaymond Majongwe, vati kuwedzerwa kwemazuva ekubhadhara mari dzebvunzo kwakanaka, asikana vabereki vasina mari hapana zvazvinoreva.

VaMajongwe vati chimwe chinofanirwa kuongororwa ndechekuti vana vari kuwedzerwa mazuva ekuti vabhadhare havana kugadzirira zvakakwana kunyora bvunzo idzi.

Vatiwo vadzidzi vakawanda, zvikuru vekumaruwa, vanofanirwa kubhadharirwa mari dzebvunzo nehurumende.

Mukuru weZimbabwe Teachers Association, VaSifiso Ndlovu, vatiwo vanofarira nekuwedzerwa kwemazuva ekuti vanu vanyorese.

Kuwedzerwa kwemazuva uku kwafadzawo mumwe mubereki VaTimothy Magan’a avo vainge vatadza kubhadhara mari yebvunzo yevana vavo mapatya panguva yakavharwa mukana wekubhadhara.

ZIMSEC, kuburikidza nemukuru wayo, VaLazurus Nembaware,yakazivisa mugwaro rayakaburitsa neMuvhuro kuti mazuva ekubhadhara mari dzebvunzo awedzerwa kusvika musi wa 2 Gumiguru.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG