Accessibility links

Breaking News

ZimRights Yoshandisa Mavhidhiyo Kukurudzira Vanhu Kuti Vasaite Mhirizhonga


Rimwe remangano anorwira kodzero dzevanhu munyika, reZimRights neChitatu rakaparura hurongwa hwekukurudzira vanhu kuti vasaite mhirizhonga uye kuti vatore zvakadzama mashoko emutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, ekukurudzira runyararo munyika.

Mukuru weZimRights, VaOkay Machisa, vanoti vhidhiyo yavakaparura, iyo inonzi “Anti Violence Crusade” ichaendeswa kunzvimbo dzose dzinosimboita mhirizhonga.

Vhidhiyo iyi inonzi yakatomboongororwa nemapaurisa vakaibvumidza kuti inge ichiendeswa muvanhu kuti vaione. Izvi zvinotevera kupihwawo chitambi neCensorship Board kwakaitwa sangano ravo.

Mapurisa anosimborambidza vanhu kupa mavhidhiyo ane chekuita nezvekodzero dzevanhu kana zvematongerwo enyika, achiti izvi zvinogona kukurudzira mhirizhonga munyika.

XS
SM
MD
LG