Accessibility links

Breaking News

Zimrights Inoti Kumbomiswa kweSarudzo Kunotyora Bumbiro reMitemo


VaNelson Chamisa
VaNelson Chamisa

Sangano rinorwira kodzeroro dzevavanhu reZimrights rinoti danhor ehurumende rekumbomisa hurongwa hwekuitwa kwesarudzo rinotyora bumbiro remitemo.

Huruemende yakati nekuda kwekupararira kwechirwere checovid-19 yave kumbomisa kuitwa kwesarudzo dzemaby-elections dzange dzakatarisira kuitwa muna Zvita.

Sarudzo idzi ndedzekutsiva nhengo dzeMDC Alliance dziri kudzingwa mudare reparamende uye makanzuru neMDC-T.

Dzimwe nhengo dzedare reparamende dzakafa. Danho iri rakatambirwa nemutauriri weZanu-PF VaPatrick Chinamasa uye veMDC-T inotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe.

Asi MDC Alliance iri kushora danho iri zvikuru ichiti rakanangana nekuda kuti risatsive vari kudzingwa. Kunyangwe Zimbabwe iri kumisa kuitwa kwesarudzo nekuda kwechirwere cheCovid-19, nyika dzakawanda muAfrica dziri kuenderera mberi nesarudzo.

Malawi yakaita sarudzo muna Chikumi uye kune sarudzo dziri kutarisirwa kuIvory Coast, Tanzania neGuinea. Hatina kukwanisa kubata mutevedzeri wemutungamiri wenyika vari gurukota rezvehutano VaConstantino Chiwenga kuti tinzwe kuti sei vakati sarudzo dzimiswe sezvo nharembozha yavo yange isiri kudairwa.

Asi mukuru weZimrights VaDzikamai Bere vanoti zviri kuitwa nehurumende kutyora bumbiro remitemo rinosungira kuitwa kwesarudzo.

Hurukuro naVaDzikamai Bere
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG