Accessibility links

ZimExpo USA 2011 Inonzi Yakabudirira

  • Jonga Kandemiiri

ZimExpo USA yegore rino, iyo yakatanga nemusi weChishanu svondo rapera kuCincinnati, kuOhio, ikapera nemusi weSvondo, inonzi yakabudirira zvikuru nevaikokera chirongwa ichi.

Gore rino ZimExpo yaparurwa zviri pamutemo sangano reZimbabwe Business Network International, iro richashanda sezambuko pakati pezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika nevemabhizimusi vari kuZimbabwe.

Vakaronga ZimExpo yegore rino vakakokawo vamiriri vesangano rinorwira kuti upfumi huende kuvatema, reAffirmative Action Group, kuti vatsanangurire vanhu nezvemutemo wekuendesa upfumi kuvatema.

VeAAG vaive pamusangano uyu vanosanganisira mutungamiri wesangano iri, Va Supa Mandiwanzira, pamwe nemunyori mukuru wesangano iri, VaTafadzwa Musarara.

Vamwe vevakapinda mumusangano wezvemabhizimusi uyu vanonzi vakasainawo gwaro rekuramba zvirango zvakatemerwa mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nevamwe vavo muZanu PF nenyika dzekumawirira.

Asi vamwe vaive kuZimExpo vanoti havana zvakawanda zvitsva zvavakaona, uye havangati chirongwa ichi chakabudirira.

Mukuru weZimbabwe Business Network International, sangano rakabatana neZimExpo pahurongwa hwegore rino, VaEsau Mavindidze, vanoti kunze kwezviratidzwa pamwe nemitambo zvaitandadza vanhu, vaipembererawo kusvitsa makore gumi kweZimExpo.

XS
SM
MD
LG