Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Voviga Gamba reNyika Dr Muchemwa Vachishora VaTsvangirai naVanaChiremba


Zimbabwe Heroes Acre
Zimbabwe Heroes Acre

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe sechave chigariro musoro wetsuro kushaya nyanga vakashora mutungamiri webato rinopikisa reMovement for Democratic Change VaMorgan Tsvangirai kumarinda eHeroes Acre muHarare nemusi weSvondo vachiviga gamba renyika Retired Brigadier-Genera Felix Muchemwa.

Mukuru wemauto eZimbabwe Defence Forces, Commander General Constantine Chiwenga vakaudza vanhu vaichema muHarareneMugovera kuti Dr Muchemwa vakaisirwa muchetura muchikafu kuMozambique nevasori vekuSouth Africa vaitsigira RENAMO kuma 1980.

Izvi vanoti zvakazopa kuti vaite chirwere chegomarara kusvika vashaya vari kuEgypt uku vange vachirapwa.

VaMugabe vakataurawo nyaya yemuchetura iyi kumarinda eHeroes Acre pakuviga mufi.

Asi VaMugabe vakabva vashorawo mutungamiri webato rinopikisa VaTsvangirai vachiti vainge vasina kuzvipira samuchakabvu Dr Muchemwa. β€œHe taught us the lesson of sacrifice, yes real sacrifice kwete yekudududza munzira umu sezvakaita ana Tsvangirai, " vakadaro VaMugabe.

Asi mutauriri waVaTsvangirai VaLuke Tamborinyoka vaudza Studio 7 kuti VaMugabe vari kungotaura zvisina nematuro ose. "Murume uyu akura uye akungorotomoka. Hondo yakatizwa naVaTsvangirai ndeipi ivo vari ivo vari kutorwa chimurenga chekuti Zimbabwe ive nehutongo hwejekerere." VaTamborinyoka vakaudza Studio 7.

Mutungamiri wenyika akashorawo vanachiremba vanoramwa mabasa achiti vanofanira kutevera nzira yaDr Muchemwa avo vaingoshanda kunyangwe zvinhu zvainge zvisina kumira zvakanaka kuMozambique munguva yehondo.

Vakati vanachiremba vemunyika vanofanira kuona kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka nenyaya yezvirango zvavati zvakatemerwa nyika zviri kupa kuti hupfumi hwenyika hutatarike.

Asi vanopikisa nenyanzvi munyaya dzezvehupfumi vanoti chiri kupa kuti hupfumi hwenyika huende kumawere inyaya yehuwori nekutonga nedemo kwaivo VaMugabe.

Dr Muchemwa vakambova gurukota rezvehutano uye vakava pana vanachiremba vatatu chete vakatanga kuenda kuhondo yeChimurenga.

​
XS
SM
MD
LG