Accessibility links

Breaking News

Chikwata cheZimbabwe Warriors kuAfcon neCosafa Chinodomwa


Varairidzi vamaWarriors, Sunday Chidzambwa naLloyd Mutasa, vazivisa veruzhinji mazita echikwata chavo chemakundano e2019 Africa Cup of Nations finals ne Cosafa Cup.

Varairidzi ava vadoma chikwata chakasimba chinosanganisira Nyasha Mushekwi uyo ari kukanda zvibodzwa pamadiro kuchikwata chake chekuChina cheDalian Yifan.

Mushekwi akapedzisira kutambira maWarriors kuma 2017 Africa Cup of Nations kuGabon asi makandiro aari kuita zvibodzwa amanikidza Sunday Chidzambwa nevamwe vake kumupa mukana wekunotamba kuEgypt.

Asi Mushekwi haasi kuuya kuzotamba kuCosafa Cup sezvo nhabvu ichangotanga asi achabatana nevamwe vese vemaWarriors kuEgypt kumakwikwi anotanga muna Chikumi.

Mushekwi haasiriye ega asina kutamba munzira yemakundano aya adaidzwa sezvo Chidzambwa apa mukana zvekare kuna Walter Musona, Tafadzwa Rusika, Dennis Dauda Thabani Kamusosko, naLawrence Mhlanga.

Asi vakawanda vari muchikwata ichi ndeavo vakabatsira Zimbabwe kubudirira kuenda kuEgypt kusanganisira kaputeni wavo, Knowledge Musona, Khama Billiart, George Chigova, Evans Rusike, Tendai Darikwa, Evans Rusika, Ronald Pfumidzai, Marvelous Nakamba, Tino Kadewere na Alec Mudimu.

Maneja wemaWarriors, VaWellington Mpandare, vanoti vari kufara nevakomana vavaunganidza ava vachiti ivo vakabva kure nehondo yeAfcon zvekuti vane chivimbo kuti vanonoita mashipiriti kumakundano aya.

Munyori wemutambo wenhabvu, Tawanda Tafirenyika, anoti semaonero avo chikwata ichi chakasimba zvikuru zvekuti ari kuona chichinopunza mikono kuEgypt.

VaMpandare vanotitaurira hurongwa hwegadziriro yemaWarriors vasati vasimuka kuenda kuEgypt.

MaWarriors ari kutarisira kubudirira kusvika munharaunda yechipiri kekutanga kubvira Zimbabwe yatenderwa kutamba nedzimwe nyika muna 1980.

Katatu kese kakaenda chikwata ichi kumakwikwi aya muna 2004, 2006, na 2017, Zimbabwe yanga ichingobuditswa munharaunda yemugungano.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG