Mapurisa nemauto atenderera muguta reBulawayo vachikurudzira vanhu kuti vasabvume kuita zvechiwokomuhomwe kana zvehuwori nemapurisa.
Mapurisa nemasoja aya vange vachitaura nevemakombi pamwe neveruzhinji panzvimbo dzinomira makombi nematekisi.
Mumwe wemapurisa aya, uyo angodomwa nezita rekuti Superintendent Chabata vati vanhu vose munyika vanofanirwa kutanga hupenyu hutsva vosiya zvehuwori.
Vatiwo zvakakosha kuti vanoda kuita zvebhizimisi remakombi kana mataxi vave vakanyoresa zviri pamutemo, vakakurudzirawo veruzhinji kuti vasiye tsika dzekukwira motokari dzisina kunyoresa zviri pamutemo.
Mumwe mutyairi Vematekisi, VaIsaac Gatya, vati vanotambira danho remapurisa iri vakati ishuviro yavo kuti iwo mapurisa pachawo vachaita basa ravo nemazvo vachisunga vanoita basa rekutakura vanhu zvisiri pamutemo kwete kushungurudza vanhu vanenge vachiita zvinhu zviri pamutemo.
Mumwewo mutyairi uyo asina kuda kudomwa nezita ati haafunge kuti huwori hunopomerwa mapurisa huchapera sezvo ati mapurisa akawanda ane motokari dzawo dzinotakurawo vanhu zvisiri pamutemo.
Veruzhinji munyika vave nenguva vachichema-chema pamusoro pehwavanoti huwori hunoitwa nemapurisa ayo anonzi anoita basa rekutsvaga chiwokumuhomwe kuvatyairi pama roadblock.
Mumazuva mashoma apfuura apo masoja akapindira mune zvematongerwo enyika veruzhinji vakafara zvikuru sezvo mapurisa akambopedza mazuva asiri pama roadblock.
Mumashoko avakataura pakugadzwa kwavo semutungamiri wenyika nemusi weChishanu VaEmmerson Mnangagwa vakati kubvisa huwori munyika ndechimwe chezvinhu zvavachakoshesa vakatiwo vose vanoita zvehuwori vachabatwa nemutemo.
Facebook Forum