Accessibility links

Breaking News

COPAC Yoshorerwa Kusakoshesa Zvido zveVanhu


Komiti yeparamende iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yeCOPAC inoti yasendeka parutivi hurongwa hwekuenda kumatunhu ichibvunza vanhu nezvegwaro rekutanga rebumbiro remitemo ichiti yave kuda kuita chimbi chimbi kupedza kunyora bumbiro iro rave nemakore matatu richinyorwa.

Bumbiro riri kunonoka kunyorwa nenyaya yekusawirirana pakati pemapato matatu ari muhurumende yemubatanidzwa. COPAC svondo rapera yakapa mapato matatu ari muhurumende yemubatanidzwa bumbiro risina kunyatsopera kuti variongororore.

Asi vane ruzivo nezviri kuitika vanoti mapato aya ari kugunun’unawo nezvatenderanwa kusvika pari zvino zvekuti pachatora nguva kuti bumbiro iri ripere nepamusana pemakakatanwa.

COPAC inoti nekuziva kuti zvichatora nguva kuti vawirirane, yave kungoronga chete musangano wechipiri weAll Stake Holders Conference pasina kuenda kumatunhu.

Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti uyu munongedzo wekuti vezvematongerwo enyika vave kuisa zvido zvavo pamberi kwete zvinodiwa nevanhu.

Komiti inokokera mabasa eCOPAC yakasangana neMuvhuro ikawirirana zvimwe asi hapana chakabuda panyaya yekuendesa masimba kumatunhu uye yave kutarisirwa kusangana zvakare neMuvhuro.

Studio 7 haina kukwanisa kutaura nasachigaro weZanu-PF muCOPAC, VaMunyaradzi Paul Mangwana, avo vati vange vari mumisangano.

Asi mumwe wemasachigaro eCOPAC, VaDouglas Mwonzora, veMDC-T, vatenda kuti havachadzokere nebumbiro kuvanhu.

Vakafanobata chigaro chemutungamiri weCrisis in Zimbabwe Coaliton, uye vari nyanzvi munyaya dzemitemo, VaDewa Mavhinga, vanoti vanoshora nyaya yekupa mutungamiri wenyika masimba akawandisa.

XS
SM
MD
LG