Accessibility links

Breaking News

Vasingaone Vokurudzira Kubatsirwa neMabhuku eBraille


Masimba Kuchera
Masimba Kuchera

Vasingaoni vari kukurudzira hurumende nemasangano akazvimirira kuti avabatsire nemabhuku emhando yebraille kuitira kuti vana vari kukura, vawane zvekudzidzira muzvikoro.

Masangano anomirira vasingaoni anoti zvakakosha kuti mabhuku emhando ye braille awanikwe nyore kuitira kuti vana vasingaoni vawane dzidzo inozovabatsira muhupenyu hwavo mune remangwana ravo.

Mashoko aya anouya zvichitevera kucherechedzwa kwezuva re World Braille Day, uko kwakaitwa neChitatu kunyange hazvo hazvo izvi zvaifanirwa kunge zvakaitwa muna Ndira.

Nhengo yeCenter for Disability and Development, VaMasimba Kuchera, vanoti munyika mune vanhu vasingaone vanodarika zana rezviuru.

VaKuchera vanoti kunyange hazvo mari iri kunetsa kuwana, zvakakosha kuti vanhu vaite maonero matsva pavanhu vasingaoni kuitira kuti remangwana ravo rive rakajeka.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG