Vagari vekwaRukweza kuMakoni South vari kuita muonera pamwe chuma chemuzukuru vachigadzirisa mugwagwa wavo uyo wazara nemakomba izvo zviri kutadzisa dzimotokari kushandisa mugwagwa unobva kuNyazura uchienda kuChivhu.
Nharaunda yeRukweza inorimwa fodya nechibage zvakanyanya. Zvirimwa izvi zvinowanisa vagari mari yekuti variritire mhuri dzavo.
Asi nepamusana pekushata kwakaita mugwagwa mukuru unopfuura nemudunhu iri, varimi vari kusangana nedambudziko rekutengesa zvirimwa zvavo.
Izvi ndizvo zvakapa kuti vagari vabatane nebazi rezvekutakurwa kwezvinhu muchirongwa chekugadzirisa mugwagwa uyu.
Mumwe wevamwe vari kugadzirisa mugwagwa uyu, VaTapiwa Chigudu, vanoti vari kufara nekubatana kuri kuita vagari pachiitiko ichi.
"Apa tiri kugadzirisa road yedu kuti mota dzione kufamba zvakanaka dzisingaite ma-accidents, saka haa tiri kufara kuti dai nyika yedu yaramba ichiita madevelopments akadai kuti zvinhu zvedu zviite zvakanaka."
VaWilberforce Chimuka mugari wekwaRukweza. VaMarimo vatsinhira nyaya yetsaona dzange dzowanda nekusanaka kwemugwagwa.
"Zvinotifadza zvikuru mumusha wedu uno maRukweza kuti zvinhu zvakadai zviri kuitika. Road dzange dzatoshata zvekuti maccidents akaitika kuno akawanda uye akatokosta hupenyu hwevanhu saka tarisiro yedu ndeyekuti pauyiwa neprograan yekuti tisasangane nema-accidents aya muroad dzedu saka hatidi maMP anouya kuzotivhara vasina kana development munharaunda saka isusu kuno tinovhotera vanouya nedevelopment chete."
VaCrispen Marimo vanoti kubatana kwevagari kunoratidza shuviro yavo yekuti munzvimbo yavo mubudirire.
"Takaungana kuti kuti tizoone basa ratirikuita semhuri imwechete yeMakoni South , takakwanisa kuti tiunganidze maYouths edu akadaira kuti vauye tigadzire mugwagwa wedu."
VaTatenda Nhamoinesu vanoti kuipa kwange kwaita mugwagwa wavo kwanga kwokanganisa varwere vanenge vachitakurwa kuendeswa kuchipatara chikuru cheMurambinda, zvichitorera vanhu nguva yakareba.
"Tiri kukurudzira vana vekuno kuti vabatane nevamwe kunyanya varikuDiaspora, kana kumaguta basa redevelopment rienderere mberi nekuti nyika yange yasarira shure, tine chipatara chedu chekuno iyo inova reference hospital saka vane ma-ailment ari serious vanoendeswa ikoko saka zvainge zvotora nguva yakawanda. Saka rubatsiro rwatiri kuwana urwu rwuchabatsira mimwe migwagwa yedu kuno."
Ambuya Susan Chaipa vanoti mabasa ari kubatwa munharaunda mavo ari kupa vechidiki kuti vasiye mabasa akaipa.
"Ipapa pandiri pano mota zhinji dzitosvika pakuita dzichabhewuka nekuda kwemigwagwa iyeyi yakashata dzkawandisa, saka tiri kufara nemwana wedu Mataranyika nevamwe vake vakafunga kuugadzirisa. Saka vanasikana ava nevanakomana ava vari kubata basa vanenge vave kuwana chekuita kwete kugara mudzimba."
VaMisheck Mataranyika mumwe wevagari wekuMakoni South vari kubatsira nezvishandisiro mukugadzirisa mugwagwa weNyazura uyu. VaMataranyika vanoti vachaita zvose zvavanogona kugadzirisa nharaunda iyi.
"Vechidiki vvatiinavo ava varikuita basa rose rinodiwa isusu tinozongovapa chikafu sevanhu vari kuswera vachiita basa rose sekutenda, hongu ibasa rehurumende rekuita izvi saka nekuoma kwakaita zvinhu munyika takubatsira nepamwe semaresponsible citizens. Tirikuita izvi neMinistry of Transport iyo yakati yainge isina mafuta ekunotora tara kuBirchenenough kwainobva zvakare nechikafu kunevarikuita basa."
Vari kugadzira mugwagwa uyu vari kupihwa zvekudya naVaMataranyika, avo vanova muzvinabhizinesi munharaunda iyi, uye zvekushandisa zviri kubva kubazi rezvekutakurwa kwezvinhu.
Facebook Forum