Vasina mvumo yekugara nekushanda muBotswana vari kuswera vakaita hwakiti nagonzo nemapurisa apo vanenge vachitsvaga mari dzekuti vararame munyika iyi.
VaJohn Nyamande, avo vanorarama nekutakurira vanhu mabhegi panomirirwa mabhazi muGaborone, vanoti mapurisa emuBotswana ari kuvatadzisa kuita basa ravo nemazvo sezvo ari kusunga vose vasina mvumo yekugara nekushanda muBotswana.
Kunyange hazvo mapurisa eBotswana achiita chirongwa chekusunga vanhu vasina mvumo yekugara munyika iyi nguva ino, gore rega rega, VaGilbert Maderera, avo vanobva kuZimbabwe, vanoti zvegore rino zvanyanya.
Chimwewo chizvarwa cheZimbabwe, VaTalent Moyo, avo vanobva kuMasvingo, vanoti mapurisa eBotswana haana tsitsi nemunhu asina mvumo yekugara munyika iyi.
Vachikumbirisa kuti hurumende yeBotswana inzwire tsitsi avo vanozvishandira vasingabire vanhu asi vasina mvumo, Muzvare Zandisiwe Nkomo, vanoti mamiriro ezvinhu asina kunaka kuZimbabwe ndiwo ari kuita kuti vanhu vakawanda vatizire kuBotswana.
Muzvare Sibonginkosi Khuzwayo vanotiwo hurumende yeBotswana inofanira kupa zvizvarwa zveZimbabwe mvumo yekushanda nekugara munyika iyi pachena.
Vanotiwo havasi vose vanokwanisa kuwana zviuru zvitatu zvemaPula semari inodiwa kuti munhu apihwe mvumo yekugara nekushanda munyika iyi.
Mutauriri wemapurisa muBotswana, VaDipheko Motube, vanoti mapurisa anosunga vanhu vose vasina mvumo yekugara munyika iyi panguva yezororo nekuda kwekuti umbavha huzhinji hunoitika panguva iyi.
Facebook Forum