Accessibility links

Breaking News

Veruzhinji Vanoda Kuti Mitemo Inobata Vatori veNhau Ijekeswe


Addressing reporters Sunday foreign minister Sibusiso Moyo said President Emmerson Mnangagwa’s government regretted security forces’ descending heavily opposition protestors (1 August, 2018) who were calling on the Zimbabwe Electoral Commission and used l
Addressing reporters Sunday foreign minister Sibusiso Moyo said President Emmerson Mnangagwa’s government regretted security forces’ descending heavily opposition protestors (1 August, 2018) who were calling on the Zimbabwe Electoral Commission and used l

Vamwe vanhu vanoti panofanirwa kuve nemitemo yakajeka yekuti vatapi venhau vanotadza kuita basa ravo vanorangwa sei.

Izvi zvabuda pamusangano wekunzwa mafungiro everuzhinji pamusoro peZimbabwe Media Commission Bill waitwa muBulawayo nekomiti yeparamende inoona nezvekufambiswa kwemashoko.

Segaroziva, vatori venhau vapinda mumusangano uyu vati vanoda kuti bhiri reZimbabwe Media Commission ribudise pachena kuti vatapi venhau havafanirwe kusungwa apo vanenge vatadza kuita basa ravo nemazvo.

Asi mumwe mugari, VaNgonidzashe Kodoke, vati kune vamwe vatori venhau vanoresva kuita basa ravo nekuzviitisa, vakati zvakakosha kuti pave nemutemo unobudisa pachena kuti vanoita izvi vanorangwa sei.

Mutori wenhau, Admire Kudita, ati anoshushikana nekuti masangano akasiyana siyana anomirira vatapi venhau akapa pfungwa dzawo kare kugurukota rezvekufambiswa kwemashoko, asi bhiri iri hariburitse izvi.

Murongi wemabasa musangano reMedia Alliance of Zimbabwe, VaNigel Nyamutumbu, vatsinhira maonero ekuti zvakakosha kuti vatori venhau vakwanise kuzviongorora pachavo vega pasina kupindira kwemapurisa.

Nhengo yekomiti yeparamende inoona nezvekufambiswa kwemashoko, VaSettlement Chikwinya, vati vari kufara nemafambiro ari kuita hurongwa hwekunzwa kubva kune veruzhinji.

Zimbabwe Media CommissionBill ndemumwe yemitemo mitatu inovandudza mutemo weAIPPA inosanganisira Freedom of Information Bill neData Protection Bill.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG