Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vanovhota Murunyararo muZimbabwe


Zimbabwe Elections

Vakawanda vevavhota mudunhu reChirumhanzu-Zibagwe riri muMidlands pamwe nemuKadoma mudunhu reMashonaland West vanoti vafadzwa zvikuru nerunyararo rwanga rwuripo pazuva rekuvhota.

Mumwe wevafadzwa nerunyararo rwanga rwuripo pakuvhota ndiMbuya Rudo Musamirapamwe vemuWard 31 kuSherwood, mudunhu reChirumhanzu-Zibagwe, uko kwavhotera mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nemudzimai wavo, Amai Auxilia Mnangagwa.

VaLazarus Banda vekuSherwood kwakare vanoti kunyange hazvo vakasika kusvika pachikoro cheSherwood Park Primary apo vavhotera, kuwanda kwevanhu kwaita kuti vanonoke kuzobatsirwa.

Asi VaBanda vanoti kuwanda kwevanga vachikwikwidza hakuna kuvakanganisa sezvo vanga vachiziva vavanga vachida kuvhotera.

VaManuel Govo avo vanga vachitungamira sarudzo kana kuti election officer weWard 31 kuChirumhanzu-Zibagwe, vanoti vafara chose kuti mutungamiri wenyika VaMnangagwa vasarudza kuzovhotera muwadhi yavo.

Mumwe anoti afara nemafambiro aita sarudzo ndaAmai Fortunate Chitongo, avo vavhota kekutanga. Amai Chitongo, avo vanoti vanotarisira shanduko kubva kuvanhu vavasarudza, vanoti hazvina kuvatorera nguva kuvhota.

Vana veZimbabwe vavhota vachisarudza mutungamiri wenyika, vamiriri vedare reparamende, pamwe nekamakanzura musarudzo dziri kunzi nevakawanda dzanga dzakanyarara.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG