Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Voshingirira Kuita Mafaro Munguva yeZororo reKisimusi?


Chinhoyi
Chinhoyi

Kunyange hazvo zvinhu zvakaoma munyika, vamwe vanhu vanoti vanotosunga dzisimba kuti vave nenguva yakanaka nemhuri dzavo.

Vanhu vakawanda vashanyira nzvimbo yeChinhoyi Caves vachiona zviyevedzo zviri panzvimbo iyi.

Mumwe weavo vashanyira nzvimbo iyi, VaTonderai Chaitezvi, avo vabva kuMarondera, vati kunyange zvinhu zvakaoma hapana wekuchemera asi kutosunga dzisimbe.

VaChaitezvi vati kuoma kwezvinhu munyika kwakavasimbisa zvekuti vave kurongera ramangana nguva iripo.

Mumwe anga aine mhuri yake kuChinhoyi Caves ndiAmai Moreblessing Pasipamire avo vati vafunga zvekufadza mhuri yavo sezvo mari yekupinda mumapako anga ari madhora matatu pamunhu.

VaRichmond Nhuta vatiwo zvinhu zvakaoma asi vamanikidzira kuuya nemhuri kuti vaone zviwanikwa zviri munyika yavo.

Asi Vanhuta vati mari yekuona mhuka dzakaita seShumba yakawandisa zvichienzaniswa nedzimwe nzvimbo.

VaChris Sachikonye vati munhu wese anofanira kukwanisa kuona mhuka zvisinei kuti murombo here kana kuti mupfumi.

Asi VaMaynard Mtunzi vati madhora matatu akawandisa zvichienzaniswa nemawanirwo ari kuitwa mari iyo vanoti iri kunetsa kuwana.

Kupinda kuona mapako munhu anga achibhadhara madhora matatu, kuona mhuka munhu anga achibhadhara madhora mashanu, kufara vanhu vachibika nekunwa kwanga kuchibhadharwa madhora gumi pamhuri uye vashanyi vekunze vanga vachibhadhara madhora gumi ekuAmerica kuona mapako nezana remadhora rekutuhwina mumvura dzemapako.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG