Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Vanoti VaMnangagwa Vatadza Kuzadzisa Zvavakavimbisa


Chief Justice Luke Malaba Congratulates Mnangagwa Zimbabwe elections
Chief Justice Luke Malaba Congratulates Mnangagwa Zimbabwe elections

Vanhu vakawanda vanoti hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa iri kutadza kuita zvayakavimbisa mushure mekunge vaimbove mutungamiriri wenyika, mushakabvu Robert Mugabe, vabviswa pachigaro nemauto.

Asi hurumende inoti iri kurwisa zvikuru kugadzirisa zvinhu munyika.

Mwedzi uno, makore maviri apfuura, vanhu vakaita chipatapata vachitsigira kubviswa panyanga kwaVaMugabe nemauto vaine tariro yekuti hupenyu hwavo huchaita zvakanaka.

Asi mushure memakore maviri VaMnangagwa vari panyanga, hupenyu hweveruzhinji huri kuramba huchioma, zvinhu zvichidzikira munyaya dzehupfumi, uye munyika muine godo rezvematongerwo enyika pakati peZanu PF neMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa.

Imwe nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika, pamwe nekodzero dzevanhu, uye vari mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti vahutongi hwaVaMnangagwa hwaisa nyika mumadhaka, uye hwasiyana zvikuru nehutongi hwaVaMugabe.

VaMavhinga vanoti mufaro wakaratidzwa neruzhinji, waive wakafanana nekupemberera n’anga ichazobata amai huroyi.

VaMavhinga, vanoti ivo nevamwe vavo vashoma, vakashorwa zvikuru nekupikisa kwavo kutorwa nechisimba, kwehutungamiriri nemauto.

VaMavhinga vanoti sezvo VaMnangagwa vatadza kutungamirira nyika, vanofanira kusiya basa.

Muzvinafundo pachikoro cheCape Peninsula, Professor Trust Matsilele, vanoti zvava kubuda pachena kuti matongero aVa Mugabe aive nani panaVaMnangagwa.

Mumwe mudzidzisi pachikoro chepamusoro cheTswane University of Technology, Doctor Ricky Mukonza, vanotiwo vanhu vaive netarisiro yekuti VaMnangagwa vachadzidza kubva mukukanganisa kwakange kuchitwa naVaMugabe.

VaMukonza vanoti zvinorwadza, nekunyadzisa kuona hurumende yaVaMnangagwa ichidzikisira nyika pamwe nemagariro evanhu, unova munongedzo wekuti VaMnangagwa havasi kuziva zvavari kuita.

Mutauriri weMDC mudunhu reJohannesburg, VaInnocent Nsingo, vanoti vanowirirana neruzhinji panyaya yekuti VaMnangagwa vaisa nyika mumadhaka.

Chipangamazano musangano rePolitical Economy Southern Africa, VaGideon Chitanga, vanoti vange vaine tarisiro yekuti VaMnangagwa, vachachimbidza kuita hurukuro naVaChamisa.

Asi gurukota rinoona nezvekuburirswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vanoti Zimbabwe yatove pamusoro soro kupfuura zvayakange iri mumawoko aVaMugabe.

Amai Mutsvangwa vanoti VaMnangangwa vari kuita mashiripiti, nekuunza mari itsva, kushandura dzidzo, kuderedza huori, kugadzirisa nzira pamwe nekuunza magetsi.

Amai Mutsvangwa vanoti zvimwe zvakaitwa, kana zvichiri kuitwa nehurumende yaVaMnangagwa, zvinosanganisira kuumba nekugadzirisa hukama nedzimwe nyika, kusimudzira migodhi yezvicherwa zvakaita sendarama, lithium, platinum, diamond nema asbestos.

Kunyange hazvo Amai Mutsvangwa vari kuti hurumende iri kuedza zvikuru kugadzirisa zvinhu, vashandi vakawanda munyika, vanoti kunyange hazvo vari kutambira mihoro yavo mwedzi wega wega, havachakwanisi kuenda kubasa sezvo mari yavari kutambira isiri kuvakwanira mukurarama kwavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:07:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG