Accessibility links

Breaking News

Gore ra2022 Rinosvika Vakawanda Vachirangarira Matambudziko a2021


New Year Poster - Luqman Ahmed

Vagari vemudunhu reMasvingo vanoti havana kunyatsofara zvakanaka rwendo rwuno vachipemberera kutanga kwegore idzva nepamusana pekuti hurumende yakavhara nzvimbo dzekutandarira pamwe nenzvimbo dzinoungana vanhu vachinamatira kusvika kwegore idzva.

Mumwe mugari wemumusha wekwaMucheke, VaJohanes Chihwani, vati vakapemberera gore idzva vakasungikana sezvo vaidzingwa nemapurisa munzvimbo dzavaitandarira.

Vemakereke vanoti mutemo wakaiswa nehurumende wakavatadzisa kuti vapemberere kupinda mugore ra2022 nenhengo dzechbechi dzavo vachiita pungwe semakore mazhinji vachishumira nekutenda mwari nechipo chehupenyu.

Pastor Cover Mugwadi, vekereke yeChrist Life Church, vati kunyange havo vakarambidzwa kuita pungwe, vakaungana kwenguva pfupi nevamwe vekereke yavo vakapemberera vachinamatira kusvika kwegore dzva.

Mumwe mugari, VaBilliat Mweni, vati vakapemberera vgore idzva vari
pamabasa vachisevenzera mhuri dzavo.

VaGurad Nhunha, vemumusha wekwaMakonese, vati kunyange vakatadza kuungana vazopemberera zuva iri nemhuri yavo vachidya zvinonaka nekushanyira dzimwe nzvimbo dzazovhurwa nhasi masikati.

Vamwi vehwahwa munzvimbo dzakwanda vaswera vachiita hwakiti na gonzo nemapuririsa ayo anga asingadi kuti vanhu vaungane mumabhawa.

VaTalent Chivange vati vakazvipa chisungo chekushanda zvine simba gore rino kuitira kuti vasimudzire hupenyu hwavo uye vanotairisira kuti
hupfumi hwenyika huchange hwakanaka.

Amai Chiedza Shereni vatiwo vakafara nekupinda mugore dzva uye vakaudzawa kukereke kuti gore rino ndere kushandisa maoko nekudaro vaita chisungo chekushanda zvakasimba.

Vakawanda vataura neStudio7 vati vanoshuvira kuti denda reCovid-19 richapera gore rino kuitira kuti hupenyu hwavo, uhwo hwanga huchikanganiswa nedenda iri, huite zvakanaka.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG