Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzozeya Zvinoreva Kuvandudzwa kweDare reMakurukota naVaMugabe


VaMugabe nemudzimai wavo, Grace Mugabe
VaMugabe nemudzimai wavo, Grace Mugabe
please wait

No media source currently available

0:00 0:09:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Veruzhinji pamwe nenyanzvi munyaya dzevematongerwo enyika vanoti kuchinjwa kwakwaitwa dare remakurukota nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, hakuna zvakunobatsira mukugadzirisa zviri kunetsa munyika.

Mumwe mugari wemuHarare, VaFrancis Machimbidzofa, vanoti zvichitevera makakatanwa ari muZanu PF, munhu anyanyorasikirwa zvikuru nezvakaitwa naVaMugabe ndiVaEmmerson Mnangagwa avo vakadzingirwa makurukota maviri anovatsigira, VaTshinga Dube naAmai Prisca Mupfumira, avo vanonzi vari muchikwata cheTeam Lacoste chinonzi chinotungamirwa naVaMnangagwa.

VaMachimbidzofa vati vaimbove mukuru wevasori, VaHappyton Bonyongwe, avo vakatsiva VaMnangagwa segurukota rezvemitemo, havana zvakawanda zvavangakwanisa kuvandudza mubazi rezvemitemo nenguva pfupi yasara kuti sarudzo itsva dziitwe.

Nhengo yeMDC-T, VaShakespeare Mukoyi, vatiwo kudomwa kwemakurukota matsva kwakaitwa naVaMugabe kuedza kugadzirira sarudzo dzegore rinouya kunyange hazvo VaMugabe vakati vanhu ava vakapihwa zvigaro izvi nekugona kwavo basa.

Asi imwe nhengo yeZanu PF, Muzvare Chengetai Magwaza, vanoti vanhu vakadomwa naVaMugabe ava vanhu vanokwanisa kuita mabasa avo uye vachange vachibatsirwa nenyanzvi dziri mumapazi avachange vachitungamirira.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari mukuru wesangano reZimbabwe Democracy Institute, Doctor Pedzisai Ruhanya, vati pane zvinhu zvitatu zvingadzidzwa kubva mukuchinjwa kwakaitwa mamwe makurukota ehurumende naVaMugabe.

Kunyange hazvo muZanu PF muine makakatanwa ekuti achatora matomhu kubva kuna VaMugabe ndiyani, VaRuhanya vati kuchinjwa kwakaitwa makurukota aya hakuneyi nekubvisa mapapiro aVaMnangagwa avo vanonzi vari kuda kuzotora masimba kubva kuna VaMugabe kana vachinge vabva pachigaro.

VaRuhanya vati VaMugabe munhu ari kuda kutofira pachigaro.

Zvichakadai, makurukota akadomwa naVaMugabe neMuvhuro aya atora mhiko dzebasa achibva atopinda mumusangano wemakurukota waitwa neChipiri.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG