Accessibility links

Breaking News

VaJacob Zuma Vomiswa Mudare Vachipomerwa Mhosva Dzekuita Huori


VaJacob Zuma vari mudare redzimhosva rekuKwaZulu-Natal
VaJacob Zuma vari mudare redzimhosva rekuKwaZulu-Natal

Vaimbove mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, vamiswa mudare redzimhosva neChishanu vachipomerwa mhosva dzehuori.

Va Zuma vamiswa pamberi pemutongi wedare redzimhosva, VaThemba Sishi, vachipomerwa mhosva dzekuita zvehuori.

VaZuma havana kumira mudare remuDurban kwenguva yakareba sezvo muchuchisi wenyaya dziri kupomerwa VaZuma audza dare kuti awirirana negweta raVaZuma kuti vamise nyaya idzi kusvika musi wa Chikumi 8.

Izvi zvaitirwa kuti VaZuma vawane mukana wekugadzirira magwaro avo ekuzvidzivirira pamhosva dzavari kupomerwa.

VaZuma havana kubvunzwa kuti vanobvuma here mhosva dzavari kupomerwa, kanawo kunzi vabhadhare mari yechibatiso kuitira kuti vatongwe vachibva kumba kwavo.

Kumiswa kwaVaZuma pamberi pedare chinhu chakatyamadza vanhu vakawanda muSouth Africa, kunyange hazvo bato raVaZuma re African National Congress rakati harisi kuvatsigira apo vachange vachitongwa, kunyange hazvo nhengo dzebato iri dzakawanda dzaenda kudare iri dzichivatsigira.

Mhosva dziri kupomerwa VaZuma dzine chekuita nehuori hwavanonzi vakaita kuma 1990. VaZuma vakambomiswa mumatare muna 2007, asi nyaya dzikaraswa muna 2009.

Asi bato reDemocratic Alliance rakasimudzira nyaya idzi kuti dzitongwe zvakare, izvo zvapa kuti vamiswe pamberi pedare nhasi.

Izvi zvarumbidzwa nechizvarwa cheZimbabwe, VaSfezo Ngulube, avo vanoshanda mushandi pamatare edzimhosva mu Johannesburg.

Amai Tando Maphosa, avo vanobva ku Chiweshe, vati Zimbabwe yakazara nevanhu vepamusoro vakapara mhosva asi hapana kana chiri kuitwa nehurumende kuti vanhu ava vamiswe pamberi pamatare edzimhosva sezviri kuitwa neSouth Africa.

Asi imwe nhengo yeMDC T, VaShepard Mashingaidze, vati havafari nezviri kuitwa nehurumende yeSouth Africa nemabatiro airi kuita VaZuma nokuti havasi ivo chete vane huori.

VaZuma vaudza vatsigiri vavo kuti vemapato anopikisa ndivo vari kukusvidzira kuti vatongwe nematare edzimhosva.

VaZuma vakasiiswa basa nebato ravo mwedzi miviri yapfuura.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG