Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vogara Vakabatira Ura Mumaoko Munyika Yavo Vachityira Hupenyu Hwavo


Un soldat zimbabwéen bat un homme pendant les protestations éclatées à la suite des allégations des fraudes électorales, dans une rue de Harare, le 1er août 2018.
Un soldat zimbabwéen bat un homme pendant les protestations éclatées à la suite des allégations des fraudes électorales, dans une rue de Harare, le 1er août 2018.

Vanhu vapindwa nekutya kunotyisa zvikuru zvichitevera kudirwa kwakaitwa masoja munzvimbo dzinogara veruzhinji pamwe nepambwa kuri kuitwa vanhu nevarume vanenge vakapakatira zvombo.

Nhengo yeMDC Alliance yakakwikwidza musarudzo yemumiriri weChivi Central, VaHenry Chivhanga, vanoti mudzimai wavo akafumowana mbumburu nhanhatu pamukova wavo nemusi weSvondo.

Izvi zviri kunzi zviri kuitikawo kumaruwa uko kuri kutsvagwa vanhu vakavhotera MDC-Alliance nevatsigiri veZanu PF pamwe nemasoja.

Sachigaro weMDC inotungamirirwa naVa Nelson Chamisa, pamwe nesachigaro wevechidiki, VaMorgan Komichi na VaHappymore Chidziva, vanotiwo vakavingwa pakati pehusiku nemauto ivo vasipo, hama dzavo dzikashungurudzwa.

Vagari vekuHighfield vanonzi vakapambwa vakaendwa navo kumarinda ari pedyo nemugwagwa unoenda kuMasvingo, uko vakarohwa zvakaipisisa nevanhu vainge vakapakatira pfuti dzehondo.

Mudhorobha reMasvingo vagari vanoti vari kugara vakabatira ura mumao mumisha yakaita seMajange, Mucheke, Yeukai, Runyararo West nedzimwe dzakasiya siyana.

Pastor Cover Mugwadi vekuRunyararo West vanoti vari kutya nekuti mudhorobha mava kuita semune hondo.

KuMidlands, VaIshe Mlambo, veku ward 11 muShurugwi vanoti vakapona nekubuda nepahwindo vavingwa nevatsigiri ve Zanu PF.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reMasvingo Center for Research and Development, VaTatenda Baloyi, vanoti kutyorwa kwekodzero dzevanhu kuri kuitwa kunonyadzisa.

Vanorwira kodzero dzevanhu vanoti kutyorwa kwekodzero dzevanhu kwakatanga pakabuda mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vachiti vakanga vasiri kutambira zvakabuda musarudzo, vachiti ivo ndivo vakanga vakunda.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remauto panyaya iyi.

Asi mutauriri wemauto, Colonel, Overson Mugwisi, pamwe nemutauriri wemapurisa, Amai Charity Charamba, vakaudza vatori venhau nezuro muHarare kuti vanhu vari kuita izvi havana kutumwa nemauto nemapurisa.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakati vachagadza komisheni ichaferefeta kuti ndivanani vari kusvibisa zita rehurumende kuburikidza nekushandisa vanhu vakapfeka nhumbi dzemauto.

Asi vamwe vanoti zviri pachena kuti mauto agara achipindira mune zvematongerwo enyika munhoroondo yenyika.

Gore rapera, mauto akapindira mune zvematongerwo enyika akamanikidza vaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kusiya basa, mauto aya achibva aona kuti munhu waanoda, VaEmmerson Mnangagwa, vagadzwa pachigaro chemutungamiri wenyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:00:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG