Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa zveZimbabwe Zviri muSouth Africa Zvinoti Hazvina Kucherechedza ZuvareVashandi


Zimbabwe Refugees in South Africa
Zimbabwe Refugees in South Africa

Apo pasi rose range richipemberera zuva ravashandi, mhuri yeZimbabwe inogara muSouth Africa inoti hapana chekupemberera zuva iri nokuti nyika haisati yasununguka zvizere munyaya dzezvehupfumi pamwe nezvematongerwo enyika.

Zvizvarwa zveZimbabwe izvi zvinoti hazvina kukoshesa zuva iri nokuda kwekuti hazvina mabasa, uye vazhinji vavo vachiri kutambudzwa nehurumende, pamwe nezvizvarwa zvemunyika muzvigere.

VaAllister Pfunye, avo vaimbove sachigaro wesangano revadzidzi reZINASU, vanoti hapana chikonzero chekupemberera zuva iri kana mhuri yeZimbabwe yakawanda, ichiri kushaya mabasa.

VaPfunye vati dambudziko guru nderekuti vatungamiriri vemuAfrica ndivo vari kutonga vanhu, panzvimbo yekuti ivo vatongwe nevanhu.

VaWalter Nyausopo, avo vanobva kuMutoko,vati kuwanda kwemhuri yeZimbabwe muSouth Africa, chiratidzo chekuti zvinhu zvakaita manyama amire nerongo kumusha.

Imwewo nhengo yebato rinopikisa reMDC, VaSimbarashe Mujeyi, vati vatungamiri varipo vari kutyora chinangwa chevose vakashaya muhondo vachiedza kusunungura nyika yeZimbabwe.

Chimwewo chizvarwa cheZimbabwe, VaEdward Muchatuta, vatiwo havaone chikonzero chekupemberera zuva iri nekuda kwekuti mhuri yeZimbabwe ichiri kutambura kuwana dzidzo, mabasa, pamwe nenzvimbo dzekugara.

VaMuchatuta vati dambudziko guru rakatarisana nemhuri yeZimbabwe inogara muSouth Africa, ndere kuwanira vana vavo zvitupa nemagwaro ekuti vakwanise kudzidza munyika umu.

Nhengo yepamusoro musangano revatapi venhau vakazvimiririra kuchamhembe kweAfrica, VaAntony Jongwe, vati kune mhuri dzeZimbabwe dzakawanda dziri kunze kwenyika dzakazvipira kudzokera kumusha, asi ndokunge kana hurumende yagadzirisa zvose zviri kunetsa.

Nyika dzakawanda dzacherechedza zuva revashandi nhasi panguva iyo nyika dzakawanda dziine vanhu vakawanda vasina mubasa sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyaya dzehupfumi pasi rose

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG