Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Vanoti MDC Alliance Ichakunda Zanu PF kuManicaland


VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa

Vakawanda kudunhu reManicaland vari kutarisira kuti bato rinopikisa reMDC Alliance inotungamirwa naVaNelson Chamisa richaita mashiripiti ekutora zvigaro zvakawanda, sezvakamboitika mugore ra 2008.

Dunhu reManicaland rine vamiriri veparamende makumi maviri nevatanhatu, asi musarudzo dzapfuura dza-2013, MDC-T yakawana vamiriri vatatu chete, vamwe vese vari veZanu PF.

Vatatu ava vanoti VaProsper Mutseyami veMusikavanhu, kuChipinge, VaTrevor Saruwaka, Mutasa Central naVaInnocent Gonese Mutare Central.

Kunyange hazvo zvakamira zvakadai, vazhinji vane chivimbo chekuti nemamiriro aita nyika, pachava nekushanduka musarudzo dzichaitwa munyika.

Kubva musarudzo dzemuna 2000 MDC yaikunda zvine mutsimba mudunhu reManicaland, asi izvi zvakashanduka muna 2013, Zanu PF ichitora zvigaro zvakawanda, kunyange hazvo vakawanda vachiti sarudzo idzi dzakabiridzirwa zvakanyanya.

Dunhu reManicaland rine vanhu vanosvika miriyoni imwe chete nemazana masere ezviuru. Musarudzo dza 2013 vanhu 258, 026 vakavhotera VaRobert Mugabe musarudzo yemutungamiri wenyika, ukuwo 180,552 vakavhotera VaMorgan Tsvangirai; 13, 433 vakavhotera VaWelshman Ncube.

Mumwe wevechidiki mudunhu reManicaland uyo anogara kuHotSprings, VaNicholas Matimati, vanoti vachavhotera mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, nekuda kwekuti hurumende iripo neyaimbovepo dzakatadza kuzadzisa zvido zvavo kwenguva yakareba.

VaTinokudzwa Mtsveta, avo vanogara kuBonda kwaMutasa, vanoti havaoni hari dzofanzirofa dzichizovhoterwa nguva ino sezvo kumashure vaiona vatungamiriri vemhando iyi vachirara pabasa. Vanoti mukore uno vanhu voda vatungamiriri vanotema dzinobuda ropa.

"Age difference, vapfana havachadi madhara, kutanga kutonga muna1980 izvezvi tava muna 2018, like myself ndakazvarwa 1980 ndaingoziva Mugabe, izvezvi tinana Mutsvangwa nazvino saka generation yedu iyi yakuda vapfana adoko, at least haisi change inoshamisa sitereki but timbochinjawo maoko timboona kuti zvii zvinoitika," vadaro VaMtsveta.

Mumwe mugari wekuHonde Valley, VaEdgar Chikoti, vanoti zvinovashamisa kuti vamwe vashandi vemuhurumende vanonzi vaende pamudya ndigere kana vasvitsa makore makumi matanhatu asi vamwe muhurumende vachitoda kufira pazvigaro. VaChikoti vanoti havasi kuzovhotera vakweguri musarudzo.

Nhengo yesangano revarume rinorwira kupedza mhirizhonga mudzimba reMen As Partners, VaJames Mundenda, vanoti pakasava nemhirizhonga, kana kutyisidzirana musarudzo dzegore rino, vanoona MDC Alliance ichikunda zvine mutsindo.

Mutungamiriri webato reThe African Democrats, VaMacco Machona, vanoti sarudzo dzegore rino dzichavapa mukana wekudzidza zvinoitwa musarudzo macho. VaMachona vanoti sekuona kwavo pari zvino mapoka anopikisa ari kuwana mukana wekuita misangano yawo vakasununguka pasina zvimhingaidzo sezvaiitika kare.

"Isusu tiri kupinda musarudzo idzi tiri kuda kutodzidza hatina zvakare kunyanya kuwana mikana mizhinji yekupoterera asi tiri kuti pane zvakawanda zvashanduka. Pakudzidza kwedu hazvirevi kuti hapana zvatinokwanisa kupawo mukufambiswa kwesarudzo idzi, pane zvatinogona kuonesawo vamwe," vadaro VaMachona.

Mugari wekuChimanimani, VaGideon Masimbe, vanoti mutsauko uripo pakati pemakore evatungamiriri varipo nevechikdiki avo vakawanda munyika vave kubvumirwa kuvhota, uchapa mutsauko pane zvichazobuda musarudzo idzi.

VaMasimbe vanoti mutungamiriri weZanu PF, VaEmmerson Dambudzo Mnangagwa, nemakore avo makumi manomwe nemashanu, havazi kuzomira naVaChamisa vane makore makumi mana ekuzvarwa, sezvo vakawanda vechidiki, vari kuti vanodawo kutungamirwa nevechidiki.

"Personally i think the age difference is the one that matters, minyati inenge yatosiyana, brain wise zvatosiyana zvakare, ukatarisa mafungiro emunhu ane 75 and above or 60 years and above if you look at Zanu PF bracket ravo riri pa62 years zvichikwira, apa the majority vari kuzovhota vari 40 years and below, saka how can you be controlled nemunhu ane 60years," vadaro VaMasimbe.

Mutungamiriri weUnited Democratic Front, VaPeter Gava, vanoti vari kupinda musarudzo idzi vasina chigumbu sezvo vari kukwanisa kukambena pasina kuvhiringidzwa hurongwa hwavo. VaGava vanoti sebato richiri kusimukira, vanotarisira kuwanawo zvigaro zvakati kuti kunyange vasina bato ravanoti richakunda kunze kweravo.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari mudzidzisi paZimbabwe Open University, VaFreeman Bhosso, vanoti vanoona sarudzo dzegore rino dzakaomarara kwazvo zvekuti achakunda anenge aine chidimbu chidiki-diki. VaBhosso vanoti vanhu vakawanda vakanovhota zvinogona kukanganisa Zanu PF asi kukaita vanhu vashoma vachanovhota, zvichakanganisa MDC Alliance kuti ipinde panyanga.

Asi murwiri wehondo yerusununguko uye vari nhengo yeZanu PF, VaIrvin Mbengo, vanoti kubva kwakaita VaRobert Mugabe semutungamiriri wenyika, kwakatosimbisa bato ravo zvakanyanya. VaMbengo vanoti mamiriro ezvinhu aizenge akasiyana dayi VaMugabe vakaramba vari panyanga.

Dunhu reManicaland rakabudisa vakuru vakuru mune zvematongerwo enyika vakawanda vanosanganisira vachakabvu vanoti Herbert Chitepo, Edgar Tekere, Zororo Duri, Ndabaningi Sithole, William Ndangana, Moven Mahachi, Sekuru Rekayi Tangwena, Abel Muzorewa, VaTsvangirai, kuchitiwo vapenyu Jvanoti Didymus Mutasa, Oppah Muchinguri Kashiri, Irene Zindi, David Chimhini nevamwe.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG