Accessibility links

Breaking News

Vagere kuBotswana Vanoti Hapana Chavangafarire Zuva reKuwana Kuzvitonga


Zimbabwe Flag
Zimbabwe Flag

Zvizvarwa zveZimbabwe zvinoshanda nekugara muBotswana zvinoti kusamira zvakanaka kwezvinhu muZimbabwe kuri kubvisa chiremerera chezuva rekuwana kuzvitonga kwenyika.

Kuvamwewo zvavo, zuva ra18 Kubvumbi izuva rekurangarira kusunungurwa kwenyika kubva muhudzvanyiriri hwehutongi hwevachena.

Asi zvizvarwa zveZimbabwe zvinogara nekushanda muBotswana zvinoti zuva iri harichina chiremerera.

VaJosiah Patsanza, avo vane makore makumi mana nemana vachirarama nechamuka inyama muFrancistown, Botswana, vanoti zuva iri harichina chiremerera nepamusana pemamiriro akaita zvinhu.

Kunyange hazvo vachizvitutumadza nenhoroondo yekurwirwa kwerusununguko rwenyika, VaBlessing Matiki, vanoti chekupemberera hapana nokuda kwekusamira zvakanaka kwehupfumi nematongerwo enyika.

Chimwewo chizvarwa cheZimbabwe icho chinodzidzisa pachikoro chevakoti mudhorobha reFrancistown, VaGracious Mutonhori, vanoti nhamo yevana veZimbabwe yafanana neyechikwepa nefodya.

Muzvare Joy Chikura, avo vanoshanda vakazvimirira voga muGaborone vanoti rusununguko rwuri muZimbabwe harwusi rwekupemberera nokuti vana weZimbabwe vari kudya nhoko dzezvironda.

Zimbabwe yakawana kuzvitonga muna 1980, panguva iyo hupfumi hwenyika hwainge hwakasimba.

Asi nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzinoti kutadza kutonga kwehurumende yeZanu PF kwemakore akawanda, ndiko kwasiya nyika yava mamvemve.

Asi hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa, iyo yakatsiva yaVaRobert Mugabe, inoti yakazvipira kugadzirisa hupfumi hwenyika, pamwe nekutonga kwejechetere.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG