Nyika mukati memakore maviri inenge yave musarudzo zvekare asi pane makakatanwa pakuti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vari kukwanisa here kuzadzikisa zvimwe zvavakavimbisa muna 2018 kana kuti muromo hauzarirwe havo nerwizi.
Sangano rakazvimirira roga reSIVIO Institute rakaburitsa gwaro rinoti VaMnangagwa varemerwa nemutoro sezvo kubva pavakasarudzwa vangokwanisa kuzadzikisa zvikamu zviviri kubva muzana kana kuti 2% yezvavakavimbisa.
Asi bato reZanu-PF rinoti mashoko aya ndeemanyepo sezvo VaMnangagwa vari kukwanisa kuzadzikisa zvavakavimbisa kunyangwe nyika yakatarisana nedambudziko rechirwere cheCovid-19.
Mutevedzeri wemutauriri webato reMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vanoti VaMnangagwa vari kukundikana kuzadzikisa zvavakavimbisa munyaya dzezvehupfumi nematongerwo enyika.
Asi nhengo yeZanu-PF yakakundwa musarudzo yemumiriri weWarren Park, VaGilbert Muponda, vanoti zvinhu zviri kugadzikana munyaya dzezvehupfumi uye mutungamiri wenyika ari kuzadzikisa zvakawanda zvaakavimbisa.
Facebook Forum