Vanhu vakawanda vanoti MDC Alliance ine kodzero dzekupikisa zvakabuda musarudzo sezvo kodzero iyi ichichengetedzwa nebumbiro remitemo yenyika.
Vanhu vakawanda vataura neStudio 7 muChinhoyi vanoti kuendeswa kwegwaro renyunyuto kudare repamusoro reConstitutional Court kwakaitwa neMDC Alliance, ikodzero yechizvarwa chose munyika kuita izvi.
Mumwe mugari wemumusha weveruzhinji weChikonohono muChinhoyi, VaTendai Mushonga, vanoti uyo achaonekwa nematare kuti ndiye akakunda anofanirwa kugadzwa pasina kumwe kunyunyuta.
VaMushonga vanoti gwaro renyunyuto reMDC Alliance rave mumatare rakanaka sezvo richiratidza kuti munyika mune hutongi hwejekerere.
Mumwe mugari wekuKaroi, VaTravor Chiwanga, vanoti vanhu havachina chivimbo nematare edzimhosva kunyange hazvo vanhu vakawanda vari kutarisira kunaka kwezvinhu zvisinei nekuti ndiani akunda nekuda kwehutongi hwevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.
VaChiwanga vanoti vakawanda vari kumamisha vari kuda kuti VaMnangagwa vagadzwe semutungamiri wenyika, ukuwo vari mumadhorobha vachiti dai tsamba yenyunyuto yabudirira kuitira kuti VaNelson Chamisa vagadzwe semutungamiri wenyika kuitira kuti nyaya dzezvehupfumi dzigadzirisike.
Asi mumwe mugari, VaClifford Khupheko, vanoti ivo nevamwe vavo vari kurwadziwa kutkupikisa kweMDC Alliance kwave kumisa kugadzwa kwaVaMnangagwa semutungamiri wenyika.
VaKhupeko vashoropodza kunonoka kuenda kumatare kwakaitwa nemagweta aVaChamisa vachiti mucherochedzo wekuti havana hany'a nenyika yavo.
Dare reConstitutional Court rinofanirwa kupa mutongo waro mukati memazuva gumi nemana.
Panyaya iri mudare, pane zvinhu zvitatu zvinofanirwa kuitwa nedare iri. Chokutanga rinofanirwa kuona humbowo hwaiswa pamberi paro neMDC Alliance, uye rikagutsikana kuti humbowo uhu hwakawandisa, uye hunotsigira kuti VaChamisa vakabiridzirwa, rinogona kuti VaChamisa ndivo vakasarudzwa zviri pamutemo, kana kuti rinogona kuti sarudzo iyi idzokororwe.
Kana dare rikatadza kugutswa nehumbowo hwarapihwa, dare iri rinopa mutongo wekuti VaMnangagwa ndivo vakakunda.
Mutongo weConstitutional Court haupikiswe, uye anenge anzi ndiye akakunda, anofanirwa kugadzwa semutungamiri wenyika mukati memaawa makumi mana nemasere.
Facebook Forum