Accessibility links

Breaking News

Vari Kunze Voshaya Vimbiso Yakadzama Kuitira Kuti Vadzoke Kumusha


Map of Zimbabwe

Vanhu vemuZimbabwe vane mabhizimisi muSouth Africa vanoti havasi vose vachatambira mashoko emutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, ekuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvidzokere kumusha kundosimudzira hupfumi hwenyika sezvo pasina zvakajeka zvinoratidza kuti Zimbabwe yava nyika inoremekedza kodzero dzemunhu wese.

Vazhinji vane mabhizimisi muSouth Africa vanoti dambudziko guru nderekuti hurumende yaVaMnangagwa haizi kuvimbisa zvakadzama kuti vari kunze vakadzoka kumusha, vachazokwanisa here kuzovhura mabhizimisi matsva kana kushanda nehurumende murunyararo.

Sachigaaro wemabhizimisi emhuri yeZimbabwe achiri kusimukira muSouth Africa yeZimbusinessLink Forum SA, VaMarshal General Sankara, avo vane nguva refu vachigara muSouth Africa, vanoti hapana shanduko yati yaitika mu Zimbabwe inokodzera kuti nhengo dzebato ravo dzikwanise kudzokera kumusha.

Muzvinabhizinesi ane makambani akawanda muSouth Africa, VaAustin Moyo, avo vanova zvakare munyarikani musangano re Diaspora Care Forum, vanoti mashoko aVaMnangagwa ekuti vanhu vadzoke kumusha, hapana zvaanoreva nekuti kumusha hakuna mabasa kana mari uyewo hurumende yavo haizombokwanisa kugutsa mhuri yeZimbabwe iri munyika kana vose vari kunze kenyika.

VaGarai Madziva, avo vanobva kwaRusape, vanoti ivo nemhuri yavo vangangode kudzokera kumusha asi matambudziko akaita sekushaikwa kwemari mumabhanga, kuipa kwemigwagwa, ndiko kuri kunyanyokonzera kuti mhuri yeZimbabwe iri kunze kwenyika isafarira kudzokera kumusha.

Vanoti panguva yose yavanoshanyira kumusha, kushaikwa kwemari hakunyanye kuvatambudza nekuti vanenge vakagadzirira nguva dzose.

VaMadziva vanoti pari zvino ivo nemhuri yavo havangakwanise kudzokera kumusha.

Vazhinji vatakurukura navo varatidza kuti havasi kuzokurumidza kudzokera kumusha vamwe nekuda kwekudhura kwezvinhu muzvitoro, kushaikwa kwemabasa nezvimwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG