Accessibility links

Breaking News

Vechidiki Vokurudzirwa Kutanga Mabasa Avonogona Munguva yeKuvharwa kweNyika Nekuda kweCovid-19


Zimbabwe Youths
Zimbabwe Youths

Vechidiki vari kukurudzirwa kuti vafunge zvakadzama kuitira kuti vavambe makambani avo senzira yekuzvisimudzira munguva ino ye COVID-19, sezvo iri kupawo mikana yekutanga mabhizinesi matsva.

Kurudziro iyi yaitwa naVa Aggry Musavengana avo vane kambani yavo muHarare yekugadzira fenicha nekupenda dzimba.

VaMusavengana, avo vane makore makumi mana nematanhatu ekuberekwa, vakaremara.

Vanoti kunyange COVID-19 yasunga zvakawanda muhupenyu hwevanhu, vechidiki vanofanirwa kufunga zvakadzama votanga mabhizinesi asingavhiringwi nedambudziko rechirwere ichi.

"Kuti ukwanise kutanga kambani unofanira kuziva kuti vanhu vanoda chii kana zvinovanetsa. Ndipo paunotangira ipapo. Kana achida chituru iwe uchigona kuchigadzira womugadzirira," vatsanangura VaMusavengana.

VaMusavengana vakadzidzira Mabasa emaoko ecarpentry pa Ruwa Rehabilitation Centre. Vanoti pavakatanga kambani yavo kuSunningdale vachizoenda kuWaterfalls kwavave, zvakanga zvisiri nyore.

VaMusavengana vati: "Pakutanga ndakanga ndisina mari kana zvekushandisa zvakakwana. Ndaigadzira zvinhu zvidiki diki asi ndaishanda nesimba kuzvikwenenzvera zvinova zvaiiita kuti vanhu vandikumbire kuti ndivaitire mabasa makuru."

VaMusavengana vanoti vari kusevenzera makambani makuru kana muhurumende havafaniri kuvarairwa, asi kuti vanofanira kuve netarisiro yekutangawo makambani avo vakazvimirira.

"Kana uri pabasa dzidza zvigadzirwa zvekambani yaunoshandira. Usatarisira zvemuhoro chete. Tsvaga ruzivo rwemuitirwo wezvinhu nekuti ndizvo zvichazokubatsira kana wave kutanga kuzviitira zvako wega," vadaro VaMusavengana.

VaMusavengana, avo vanozivikanwa munharaunda mavagere pamusoro pekurima chibage pandima yakakura zvikuru, vanoti vane makambani avo havafaniri kumira nechinhu chimwe chete.

Vanotiwo zvekare vabereki vane vana vakaremara vanofanira kuvakurudzira kuti vabudirire muhupenyu.

"Zvandiri nenhasi zvakabva kuna amai vangu. Havana kundikudza vachiti mwana wangu akakura ngaagare kumba. Vakandikudza ndichikwikwidza nemadzikoma angu tichienda tese kumunda. Saka zvekurima zvakakura zviri mandiri," vadaro VaMusavengana.

Mudzimai wavo, Amai Tsitsi Musavengana, vanoti madzimai evarume vakaremara vanofanira kuvabatsira mukusimudzira Mabasa avo.

"Ini ndinokwanisawo kupenda nekumhanya mhanya ndichibatsiranawo nemurume wangu. Zvizhinji ndakuzivawo kuti zvinodiwa zvakaita sei," vadaro Amai Musavengana.

Amai Christine Shayamano vemuWaterfalls vane chivakwa chakanaka pamba pavo chakagadziriswa naVaMusavengana.

"Iyo kicheni yakange iripo pano yakaitwa nemunhu asina kuremara. Asi yakazoitwa naVaMusavengana iri pamberi. Saka vanhu vakaremara tisavatarisire pasi nekuti vanoita nemoyo wavo wese," vadaro Amai Shayamano.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi uye vachishanda neLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti dambudziko reCovid-19 rakavhura mikana mumamwe mabhizinesi akaita sekushandisa madandemutande mukuita zvidzidzo, kuita misangano nezvimwe vanhu vasina kuungana panzvimbo imwe chete senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG