Accessibility links

Breaking News

Vanyori Vechidiki Votaura Nhunha Dzavo kuZIBF


Zimbabwean writer, Elisha July
Zimbabwean writer, Elisha July

Vanyori vemabhuku vechidiki vanoti kunyora mabhuku zvekuraramisa vanyori zviri kunetsa nekuda kwenyaya yehupfumi hwaenda kumawere pamwe nekubuda mumubatanidzo wenyika dzemu Commonwelath kwakaitwa nehurumende VaRobert Mugabe.

Vachitaura pamusika wemabhuku kuZimbabwe International Book Fair, mumwe munyori wechidiki, Farai Mungoshi, anoti vanyori vemazuva ano vakasiyana nevakare nekuda kwekuti vanenge vachitandanisana nezvinhu zvinopa mari nekukurumidza kuti vagutse mhuri dzavo.

Farai idangwe remunyori ane mukurumbira, Charles Mungoshi naJesesi Mungoshi.

Farai anoti nekuda kwehupfumi husina kumira zvakanaka munyika vakawanda vechidiki vanobviswa pfungwa dzavo mukunyora vachishandira kurarama.

Farai uyo akanyorawo bhuku rake rakawana mubairo rinonzi: “Behind the Wall Everywhere" anoti kubuda kwakaita nyika mumubatanidza wenyika weCommonwealth kwakakonzera kuti vanyori vasapinde mumakwikwi enyika dziri mumubatanidzwa uyu.

Farai anoti nguva yakare vanyori vemunyika vane chitsama vanosanganisira baba vake, Chenjerai Hove naMusaemura Zimunya vakawana mibairo yeCommonwealth.

Izvi zvinotsigirwa nemumwe munyori wechidiki, Elisha July, uyo anonyora mabhuku ezvidzidzo zveEconomics zverugwaro rwechina.

July anoti kuti munyori abudirire munyaya dzekunyora anofanirwa kuendesa zvinyorwa zvake kune dzimwe nyika sezvaiyitwa nevanyori vakare.

Zimunya anoti kutengeswa kwemabhuku kunze kwenyika kunobhadhara sezvo iye akatanga kukwira ndege nekuwana mari yekuvaka imba nekuda kwemabhuku ake enhetembo ayo akawana mubairo weCommonwealth.

July anoti vanyori vakaita sezvaakaita vanonyora mabhuku ezvedzidzo zvemuzvikoro vane mukana wekuwana vanotenga mabhuku avo kudarika vanonyora ngano.

Vanyori vechidiki vanoti manyepo kuti ivo vari kutadza kunyora zvine hunyanzvi sevanyori vakare vachiti mazuva ano vanonyora nekuburitsa zvinyorwa zvavo pamadandemutande kudarika zvinyorwa zvinobatika.

Vanyori vechidiki ava vanoti vakaona zviri nyore uye zvisingavadhurire kunyora, kudhindhisa pamwe nekuzvitengesera mabhuku avo.

Vechidiki ava vanoti vanodhinda nekubudisa mabhuku vanoda mari yakawanda zvekuti ivo vanozosara vasina cheuviri chinovararamisa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG