Accessibility links

Breaking News

Madzimai Oronga Zvinopa Mari kuBotswana


Botswana
Botswana

Madzimai anobva kuZimbabwe ari kushanda nekugara muBotswana anoti akaumba sangano ravo rinonzi Zimbabwe Business Women in Botswana. Chinangwa chesangano iri ndechekupangana mazano munyaya dzehupfumi kuitira kuti madzimai aya akwanise kuriritira mhuri dzavo.

Madzimai aya anoti donzvo ravo nderekukurudzirana semadzimai anhasi kuti vashande nesimba kuitira kuti hupenyu hwavo huchinje mukuita zviri nani.

Muzvare Pretty Ganyani, avo vakaronga pfungwa yekuunganidza madzimai aya, vanoti vanowirirana nemashoko anoti gona rehupfumi idikita, izvo zvakapa kuti vazvipire kuita chero chinovapa kurarama kwakanaka.

Muzvare Ganyani vanoti nhengo zhinji dzesangano ravo vanhu vaishanda mudzimba dzevanhu, asi vakaona kuti hazvina pundutso mukusimudzira hupenyu hwavo.

Imwewo nhengo yesangano iri, Amai Ritah Willie, avo vane makore makumi matatu nematatu, vanoti sangano ravo rakavabatsira kuti vakwanise kutenga mota yavo uye kutengera vabereki nehama chikafu chekudya pakirisimusi.

Imwe nhengo yesangano iri, Amai Headwick Majoni, vanotiwo sangano iri rakavamutsa muhope zvikuru munyaya dzekusagarira maoko. Vanoti vava kuzivawo kunomira mumutsetse yekubhanga nokuda kwesangano iri, iro vanoshandisa mukuchengeta mari vachizogovana mukupera kwegore.

Kunyange hazvo zvinhu zviri kuvafambira, Amai Mujoni vanoti vanosanganawo nematambudziko ekutengesa zvizere zvimwe zvinhu zvavanogadzira.

Nokubudirira kuri kuita chirongwa chesangano ravo, madzimai aya anoti vanoona ramangwana ravo rakajeka vachiti chinangwa chavo ndechekuita mabhizinesi ane mukurumbira nekupindana kwenguva.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG