Accessibility links

Breaking News

Vamwe Varairidzi neVabereki Vopesana neHurongwa hweKuderedza Huwandu hweVadzidzi


SCHOOLS OPENING CHINHOYI 2
SCHOOLS OPENING CHINHOYI 2

Vabereki nevarairidzi vari kuita maonero akasiyana siyana pahurongwa hwedzidzo panguva iyo nyika iri mubishi rekurwisa chirwere cheCovid-19.

Izvi zvinotevera danho rakaitwa nebazi yezvedzidzo iro rakaita hurongwa hwekuderedza vana vanenge vachidzidza panguva imwe chete senzira yekuderedza huwandu hwevana muzvikoro panguva imwe chete kuitira kuti vasatapurirane chirwere cheCovid-19.

Vana vaimbodzidza vakawanda zvekusvika pakati pemakumi mana nevashanu kusvika pamakumi matanhatu vave kunzi vadzidze vari makumi matatu chete.

Danho iri rave kuita kuti vamwe vana vadzidze mazuva mashoma pavhiki
kuti vapewo mukana kune vamwe vana.

Vamwe vabereki vanoti danho iri rakanaka sezvo richipa mukana
wekutevedzera hurongwa hwekuderedza mukana wekutapurirana chirwere
cheCovid-19.

Mumwe mubereki, VaIsrael Nyandoro, vanoti zviri nani kuti vana vaende
kuchikoro kwemazuva mashoma pane kuti vatadze kuenda zvachose
sezvakaitika gore rapera.

VaNyandoro vanoti kusaenda kuchikoro kwenguva yakareba kwevana
kunoita kuti vaite misikanzwa yekunwa nekuputa zvinodhaka uye vana vasikana vanopedzesera vave kuroorwa vasati vabve zera.

Mutungamiri weAmalgamated Rural Teachers of Zimbabwe, VaObert Masaraure, vanoti kudzidza mazuva maviri zvichaita kuti vana varambe vari kumashure muzvidzidzo zvavo.

VaMasaraure vanoti hurumende inofanirwa kudzika matende kuti vana
vasarasikirwe nenguva yekudzidza.

Mukuru weZimbabwe Teachers Association, VaSifiso Ndlovu, vanoti dambudziko riri kuitika muzvikoro nderekuti vana vave kudzidza vari muzvikamu zvakawanda asi vadzidzisi vasina kuwedzerwa.

Rimwe dambudziko riri kusangana nevadzidzi vari mumagwaro epasi kana kuti primary school nderekuti havasi kupfeka mamasiki sezvaonekwa
neStudio 7 muzvikoro zvawanda munzvimbo dzinoti Mutare, Masvingo,
Harare neBulawayo.

Mumwe mudzidzisi, VaRosten Mutapa, vanoti vadzidzisi vashoma vari kuenda kuzvikoro izvo zviri kureva kuti vana vadiki hapana ari kuvakurudzira kuti vapfeke mamasiki.

Mudunhu reMutare zvimwe zvikoro zvave kuti vamwe vadzidzi vanouya
kuchikoro mangwanani vamwe masikati senzira yekuderedza huwandu
hwevana muzvikoro panguva imwechete.

Mutauriri webazi rezvedzidzo yepasi, VaTaungana Ndoro, vanoti hurongwa
hwehurumende ndehwekuti vana vadzidze mukamuri imwe chete vari pasi
pemakumi mana nevashanu nekuda kwemukaha unofanirwa kunge uri pakati pevanhu vaviri.

VaTaungana vanoti hurumende ichaedza nepose painogona napo kuwedzeravadzidzisi muzvikoro kuti vana vadzidze zvakakwana.

Hurongwa hwekubaya vanhu nhomba huri kuenderera mberi, mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachitariswa kuparura zviri pamutemo mangwana chikamu chepiri chekubaya vanhu icho chakaona gurukota rezvehutano, VaConstantino Chiwenga, vachibayiwa nhomba yepiri svondo rapera paWilkins hospital muHarare.

Pakupera kwezuva nezuro, vanhu zviuru makumi mana nezvitatu neamazana maviri nemakumi mapfumbamwe nevana, 42 294, vainge vabayiwa nhomba zvichitevera kubayiwa kwevanhu mazana masere negumi nemumwe chete nezuro wakare.

Bazi rezvehutano rakazivsawo kuti vanhu gumi nevapfumbamwe vakabatwa nechirwere ichi, uye vanhu vaviri vakafa nacho izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi pavanhu zviuru makumi matatu nezvitanhatu nemazana matanhatu nemakumi masere nevana, 36 684, uye vafa nechirwere ichi vava chiuru nemazana mashanu negumi nevana, 1 514.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG