Accessibility links

Breaking News

Vakaremara Voburitsa Nhunha Dzavo


Audience At A Gender-Based Violence Event
Audience At A Gender-Based Violence Event

Apo mazuva gumi nematanhatu ekucherechedza mhirizhonga mudzimba asvika kumagumo, vakaremara vanoti hurumende inofanira kuvasimudzira senzira yekuderedza mhirizhonga yatarisana navo.

Vachitaura pamusangano wekucherechedza mazuva aya wange wakarongwa nesangano reDeaf Women Included, gweta rinorwira kodzera dzevanhu vakaremara, VaAbraham Mateta, vati vanhu ava vanonyanyobatwa nemhirizhonga iyi kudarika vamwe vanhu uye zvakakosha kuti paiswe mari parutivi yekuona kuti vanhu ava vawana ruzivo rwakakwana pamusoro pedambudziko iri pamwe nekuti vorimhan’ara sei.

VaMateta vatiwo zvakakosha kuti veruzhinji vazive kuti vanhu vakaremara vari kushungurudzwawo nemhirizhonga iyi.

VaMateta vakurudzira vehukama nemhuri kuti varege kuvanza nyaya zvikurusei panenge pashungurudzwa vakaremara.

Nhengo yesangano reHope Resurrect Trust, Muzvare Florence Mudzingwa, vaudza Studio7 kuti vakaremara vanosangana nematambudziko ekuti havakwanisi kumhan’ara nyaya nekuti vanenge vashungurudzwa nevanhu vanenge vachichengeta.

Nhengo yebhodhi reWomen Deaf Included, Amai Samantha Sibanda, vaudza Stduio7 kuti dambudziko rekushungurudzwa kwevakaremara rakawandira kumaruwa uko makamba emapurisa ari kunzvimbo dziri kure izvo zvinovaomera kuti vaende kunomhan’ara.

VaMateta vati kuti dambudziko iri ripere, mutemo unofanira kuvandudzwa kuitira kuti undererane nembumbiro remitemo yenyika pamwe nechisungo cheUnited Nations chinoona nezvekodzero dzevakaremara.

Mazuva gumi nematanhatu ekucherechedza mhirizhonga mudzimba anocheredzwa kutanga musi wa25 Mbudzi mwedzi wega wega kusvika musi wa10 Zvita gore rega rega.

25 Mbudzi izuva rekucherechedza zuva rekubviswa kwemhirizhonga kumadzimai kana kuti International Day for the Elimination of Violence Against Women uye 10 Ndira izuva rekucherechedza kodzero dzevanhu pasi rese kana kuti International Human Rights Day.

Zuva iri rakatanga kucherechedzwa muna 1991 uye pari zvino rave kucherechedzwa munyika dzinodarika zana nemakumi masere nenomwe.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG