Accessibility links

Breaking News

Mashoko eZanu PF Oshorwa neVakawanda Pamusoro peMashoko aVaMugwadi


Zanu PF press conference
Zanu PF press conference

Vemapato anopikisa pamwe nevemasangano anoshanda akazvimirira vanoti havasi kufara nemashoko ebato reZanu PF ekunyomba nhengo dzeparamende yeBritain mushure mekunge dzati muZimbabwe munofanira kutevedzerwa mitemo, kucherechedzwa kodzero dzevanhu pamwe nekuti hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa isashungurudze vemapato anopikisa.

Nhengo dzeparamende yeBritain dzakataura mashoko aya muparamende yadzo nemusi weChipiri paizeyewa nyaya yekusamira zvakanaka kwezvinhu muZimbabwe.

Pakazeyewa nyaya yemamiriro akaita zvinhu muZimbabwe muparamende yeBritain neChipiri svondo rino, dzimwe nhengo nhatu dzeparamende iyi dzakaratidza kusafara nemamiriro akaita zvinhu muZimbabwe dzichiti hurumende yeBritain haifanire kuregedza Zimbabwe ichidzoka mugungano reCommonwealth nepamusana pekuti hurumende yaVaMnangagwa haisi kukoshesa mitemo, kodzero dzevanhu uye iri kuramba ichishungurudza vanoipikisa.

Vaimbove mutungamiri wenyika, mushakabvu VaRobert Mugabe, vakabuditsa Zimbabwe muCommonwealth muna 2003 mushure mekunge sangano reCommonwealth ratora danho rekuwedzera zvirango kuhurumende yeZimbabwe richiti Zimbabwe yakanga isingaite zvehutongi hwejekerere.

Nhengo dzeparamende yeBritain idzi dzakatiwo hadzisi kufara nekuramba nhengo yeMDC Alliance, VaMakomborero Haruzivishe, vari mujeri nenyaya dzine chekuita nezvematongerwo enyika.

Zvichitevera mashoko enhengo dzeparamende yeBritain aya, mushandi mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vanyora padandemutande ravo reTwitter kuti Britain haifanire kuudza Zimbabwe zvekuita vachiti zvekubviswa kwehurumende yeZimbabwe,kana kuti regime change, zvakapera munguva yehutongi hwaVaTony Blair avo vaimbove mutungamiri wehurumende yeBritain.

VaMugwadi vafananidzawo nhengo dzeparamende yeBritain idzi nenguruve pamwe nevanhu vapfupipfupi vane misoro yakaoma.

Mashoko aVaMugwadi aya atsanangurwa nemutauriri weMDC-T, VaWitness Dube, semashoko anodzosera nyika kumashure.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri weMDC Alliance, Muzvare Fadzayi Mahere, pamwe memutevedzeri wavo, VaGift Ostallos Siziba, kuti tinzwewo pamire bato ravo nezvenyaya iyi.

Asi munyori wezvekudyidzana nedzimwe nyika muMDC Alliance, Muzvare Gladys Hlatywayo, vati …..

Mutauriri weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaMarvelous Khumalo, vatiwo mashoko aVaMugwadi aya anoratidza kuti bato reZanu PF harina kuzvipira kuchengetedza mitemo yenyika pamwe nekuremekedza kodzero dzevanhu.

VaKhumalo vatiwo mashoko aVaMugwadi aya anodzosera kumashure hurongwa hwaVaMnangagwa hwavari kuedza kuti Zimbabwe idzokere pakudyidzana nedzimwe nyika vachiti Zanu PF iri kuzvisikira moto muziso.

Hatina kukwanisa kubata VaMugwadi pamwe nevakafanobata chigaro chemutauriri weZanu PF, VaMike Bimha, sezvo vanga vasiri kudaira nharembozha dzavo.

Asi imwe nhengo yeZanu PF, VaPeter Matangi, vati chakakosha ndechekuti patevedzerwe zviri kutaurwa nemutungamiri wenyika kunyika dzekunze.

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, VaRashweat Mukundu, vati mashoko aVaMugwadi inotova mhirizhonga pachezvayo.

Kunyange hazvo VaMnangagwa vakatsvagawo imwe kambani yekuAmerica kuti iite basa rekuchenesa zita reZimbabwe nechinangwa chekuti hurumende ikwanise kudyidzana nedzimwe nyika pamwe nekubvisirwa zvirango, izvi hazvina chazvati zvabatsira sezvo nyika dzakatemera Zimbabwe zvirango dzichiramba dzakatsika madziro dzichiti hurumende yeZimbabwe inofanira kukoshesa mitemo yenyika pamwe nekuremekedza kodzero dzevanhu.

Nhumwa yeUnited Nations yakange iri munyika mwedzi wapera, Amai Alena Douhan, vakakurudzirawo kuti zvirango izvi zvibviswe asi vakatiwo muZimbabwe munofanira kuchegetedzwa mitemo, pamwe kuremekedzwa kwekodzero dzevanhu uye vakakurudzirawo kuti muitwe nhaurirano dzechokwadi mukuedza kupedza matambudziko akatarisa nenyika.

Asi bato reZanu PF rinoti hakuna dzimwe nhaurirano dzichaitwa dziri kunze kwegungano rePolitical Actors Dialogue iro rinonzi nemutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, igungano raVaMnangagwa neshamwari dzavo risina charinobatsira mukugadzirisa zviri kunetsa munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG