Accessibility links

Breaking News

Doctor Peter Magombeyi Vanopambwa neVanhu Vasiri Kuzivikanwa


Dr Peter Magombeyi
Dr Peter Magombeyi

Vana chiremba, vachitsigirwa nemamwe masangano evashandi, varatidzira pachipatara cheParirenyatwa vachitsutsumwa nekwavanoti kupambwa kwakaitwa nezuro mutungamiriri weZimbabwe Hospital Doctor’s Association, ZHDA, Doctor Peter Magombeyi.

Vana chiremba vataura neStudio7 vati vari kurwadzikana zvikuri nekutyorwa kuri kuitwa kodzero, uye havasi kuzodzokera kubasa kusvika Dr Magombeyi vadzoswa nevakavapamba.

Mutevedzeri wemutungamiri weZHDA, Doctor Masimba Ndoro, vati havasi kufara nekupambwa kwaDr. Magombeyi avo vakapedzisira kuonekwa neMugovera

VaNdoro vati Doctor Peter Magombeyi vange vakataurira vamwe vavo kuti vari kutyityidzirwa nevavanofungidzira kuti vasori. VaNdoro vati vazivisa mapurisa epakamba yekuBudiriro.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa panyaya iyi.

Dr Ndoro vashoropodza kwavanoti kutyorwa kwekodzero dzavo vachiti vanachiremba vanoda kuti avo vakapamba VaMagombeyi vavadzose vari mupenyu, uye hutano hwavo husina kuvhiringwa.

Imwe nhengo zvakare yeZHDA, VaTapiwa Mungofa, avo vanoshanda pamwe chete naDr Magombeyi paHarare Central Hospital, vati VaMagombeyivakatumira mashoko paWhatsApp kuma 10 manheru apfuura vachizivisa kuti nezvekupambwa kwavo nevarume vatatu.

VaMungofa vati kunyange hazvo kune kutya kukuru munanachiremba, vawirirana sesangano kuti vanachiremba havasi kuzodzokerakumabasa kusvika VaMagombeyi vadzoswa kumba kwavo.

Mutauriri weZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaKumbirai Mafunda, vari kukurudzira mapurisa kuti aite basa rawo nemazvo kuitira kuti zvizivikanwe kuna VaMagombeyi.

Vanachiremba vachangopedza zvidzidzo zvavo vava nemazuva gumi nemaviri vasingaendi kubasa vachiti havana mari dzinovakwanira dzekuti vaende kubasa.

Hurumende yakawedzera mari yavana chiremba nezvikamu makumi matanhatu kubva muzana, asi vana chiremba ava vakati yavaiva shoma.

Sangano reZHDA rati richange richizivisa matanho arichange richitora kusvika VaMagombeyi vawanikwa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG