Accessibility links

Breaking News

Mudhara Bhonzo Vanoradzikwa kuMarinda ekuChitungwiza


Mudhara Bhonzo Burial
Mudhara Bhonzo Burial

Vanoita zvemitambo, tsika nemagariro vanoti hurumende haisi kuvakoshesa vachiti vave kuda kuti hurumende iwumbe bazi rakazvimirira rinoona nezvemitambo, tsika nemagariro.

Izvi zvabuda pakuvigwa kwaVaLawrence Simbarashe avo vaizivikanwa mune zvemitambo kana kuti ma drama nezita rokuti Mudhara Bhonzo.

Vachitaura pakuradzikwa kwaMudhara Bhonzo pamarinda eZororo Memorial Park kuChitungwiza, vanoita zvemimhanzi, mitambo, tsika nemagariro vati havasi kufara nekubatwa nekuseri kwemawoko kwavari kuitwa nehurumende.

Vanoita zvekutsikiswa kwemimhanzi, VaAmos Mahendere, vati vaimbi pamwe nevanoita zvemitambo, tsika nemagariro havasi kuwana rutsigiro rwakakwana kubva kuhurumende mubasa ravanoita.

VaMahendere vashora hurumende nekusatumira nhume pakuradzikwa kwaMudhara Bhonzo avo vaizivikanwa zvikuru munezvemitambo yaibuda pachivhitivhiti.

Muimbi uye vachiita zvemitambo, Muzvare Kessia Masona, avo vanonzi Muchaneta mumutambo unonzi “Muchaneta” vanoti vanoita zvemitambo vari kurarama zvehwakumukwaku sezvo vasiri kubhadharwa zvakakodzera.

Mumwe akashanda naMudhara Bhonzo mumutambo waizivikanwa uchinzi “Bhonzo nechikwata” kana kuti Timmy naBhonzo, VaTimothy Tapfumaneyi vati zvinovarwadza kuti vashaikirwa nemumwe wavo.

Zvisinei, VaTapfumaneyi vakurudzira hurumende kuti sevanhu vanoita zvemitambo, tsika nemagariro, vave nebazi ravo rakazvimirira rinotungamirwa nemunhu anoziva zvinodiwa mubandiko ravo.

Hatina kukwanisa kutaura negurukota rezvemitambo, tsika nemagariro, VaKazembe Kazembe, kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi sezvo vati vanga vakabatikana pataedza kutaura navo panharembozha yavo.

Muchakabvu Lawrence Simbarashe, avo vanga vachizivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti Mudhara Bhonzo vakashayika neMugovera mushure mekurwara kwenguva refu nechirwere cheshuga.

Mumazuva avo ekupedzisira Mudhara Bhonzo vakange vashoshoma zvakaita kuti vatadze kushandisa izwi ravo kutsvaga raramo zvakapedzisira zvoita kuti vararame nekupemha zvisinei nembiri yavaive nayo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG