Accessibility links

Breaking News

Murairidzi weShabanie Anoti Arikufara neMukombe weBancABC Sup8r Cup


Murairidzi wechikwata cheShabanie Mine VaLuke "Vahombe" Masomere vanoti vari kufadzwa nekutora mukombe we BancABC Sup8r svondo rapfura.

VaMasomere vanoti vanotenda Mwari nekuvapa mukana wekuti chikwata chavo chitore mukombe sezvo vakapedzesera kuita izvi mugore ra 2007.

Vanoti vakamboenda kunoshanda kuBotswana asi chinangwa chavo ndechekuti vavandudze mutambo wenhabvu munyika. VaMasomere vanoti vagari ve muZvishavane vari kufara nekutora kwavakaita mukombe uyu.

Murairidzi uyu anoti parizvino chikwata cheShabanie chiri kutarisira kuti chigadzirise chinzvimbo chavo pa gungano re Premier Soccer League Log. Shabanie iri pachinzvimbo chechichipfumbamwe.

VaMasomere vaudza Studio 7 kuti shuwiro yavo ndeyekuti varambe vachitamba zvakanaka kuitira kuti vazo kwanisa kutambazve kumakwikwi e BANC ABC Super 8 gore rinouya ayo anotambwa nezvikwata sere zviri pamusoro pe log.

VaMasomere vanoti chikwata chavo chave kutotarisira kukunda mune mimwe mikombe iri kutevera yakaita seMbada Diamond vachishandisa hunyanzvi hwavakawana kubva kumukombe weBancABC Sup8r.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG