Accessibility links

Breaking News

Veruzhinji Vokurudzirwa Kuongororwa Chirwere cheShuga


World Diabetes Day
World Diabetes Day

Pasi rose riri kucherechedza dambudziko rechirwere cheshuga mwedzi uno.

Chirwere ichi chinonzi chiri kupararira munyika sezvo veruzhinji vasina ruzivo rwacho rwakawanda.

Mutungamiri wesangano re Zimbabwe Diabetic Association, Dr John Mangwiro, vanoti dambudziko guru nderekuti veruzhinji vanotya kuenda kunoongororwa kuti vane chirwere ichi here kana kuti kwete nguva ichiripo kuitira kuti vawane rubatsiro.

"Tinowona kuti veruzhinji vari kurarama nechirwere cheshuga vasingazive vanotozouya kuna vana chiremba vave nezvimwe zvirwere zvinokonzerwa nechirwere ichi asi munguva dzakawanda cherwere ichi chinenge chakomba. Tinokurudzira kuti vanhu vaongororwe gore rega rega kuti vane shuga here kana kuti kwete," Dr Magwiro vaudza Studio7.

Dr Mangwiro vanoti ongororo yakaitwa nesangano re International Diabetes Federation inoratidza kuti vanhu vanosvika miriyoni nemazana mashanu ezviuru munyika vane chirwere cheshuga, uye zvikamu makumi mapfumbamwe nezvishanu kubva muzana, vane type 2 diabetes.

Vamwe vacho zvikamu zvishanu kubva muzana ndevechidiki vanenge vange type 1 uye nevamwe vanenge vakazvarwa nechirwere ichi.

Dr Mangwiro vanokurudzira veruzhinji kuti vadye zvikafu zvechinyakare zvinowanikwa kumamisha sesadza rezviyo nemiriwo pane kudya zvidobidobi zvemudhorobha izvo zviri kukonzera zvirwe zvizhinji zvinosanganisira zveshuga.

Vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vaite mabasa anosimbisa miviri uye kuti vawanze miriwo nezvimwe vachishomesa sadza jena iro rinokwanisa kuwedzera mukana wekuti munhu abatwe nechirwere cheshuga.

Vanokurudzira kuti vanhu vadye zvishoma manheru vasati varara sezvo chikafu ichi chichizokwanisa kukonzera shuga sezvo muviri unenge usina zvaunenge uchiita wakarara zvekuzvisimbisa.

Hurukuro NaDr John Chamunorwa Mangwiro
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG