Kutongwa kwemhosva dziri kupomerwa nhengo yedare reparamende yeZanu-PF inomirira Bikita West, VaMunyaradzi Kereke, kwakatanga mudare ramajistiriti muHarare neMuvhuro.
Magweta anorwira kodzero dzevanhu anoti nyaya iyi yakakosha zvikuru sezvo dare rakagura masimba emuchuchusi mukuru wehurumende nemamgweta ehurumende ekuramba kuchuchisa nyaya dzavanenge vasingawirirane nadzo.
Mhosva yekutanga iri kupomerwa VaKereke ndeyekubata mwana chibharo uye yechipiri yekubata bata mukoma wemwana uyu mazamu.
Akabatwa batwa mazamu anonzi aive nemakore gumi nemashanu, ukuwo akabatwa chibharo ainge aine makore gumi nerimwe.
Vaviri ava vanonzi ihama dzaVaKereke uye vari mukoma nemunin’ina. Izvi zvinonzi zvakaitika kumba kwaVaKereke ku Mount Pleasant muna 2010.
Asi VaKereke vari kuramba kuti vakapara mhosva.
Dare rakatozomanikidzwa kupa mutongo wekuti nyaya iyi ichuchiswe nemagweta emwana uyu mushure mekunge muchuchusi mukuru wenyika, VaJohannes Tomana, varamba kuchuchisa nyaya iyi vachiti haina humbowo hwakati tsvikiti.
Asi dare repamusoro soro reConstitutional Court rakazoti VaTomana vape magweta evana ava mapepa ekukwanisa kuchuchisa kana kuti vakasaita sezvainge zvatarwa nedare iri, VaTomana vaizokandwa mujeri kwemwedzi wose.
VaTomana vainge vamboramba kutambira mitongo yedare reHigh Court nereSupreme Court yekuti vape magweta emwana uyu mapepa ekuchuchisa kana ivo vageza maoko saPirato, izvo zvakazoita kuti vaonekwe vaine mhosva yekuzvidza mitongo yematare.
Mudare VaKereke vange vachimirirwa nemagweta maviri anoti VaJames Makiya naVaNathaniel Chigoro. Vana vari kupomera VaKereke mhosva vange vachimirirwa naVaCharles Warara.
Magweta aVaKereke audza dare kuti nyaya iyi yakanonoka kuunzwa kudare uye mumwe mwana wacho ainge achishandiswa nevematongerwo enyika vasingawirirane naVaKereke.
Asi mwana ane makore gumi nerimwe paakapa huchapupu achibatsirana naVaWarara akati haana kana munhu mumwe chete wezvematongerwo enyika waanoziva. Nyaya iyi iri kuenderera mberi neChipiri.
Muzvinafundo munyaya dzezvemitemo, VaLovemore Madhuku, vanovazve mutungamiri wesangano reNational Constitutional Assembly, vanoti nyaya yekuti magweta anochuchisa ega hazvisati zvamboitika munhoroondo yenyika kuti vanhu vanochuchisa voga hurumende yageza maoko.